‘Haukwerete uchidaro’

Muchaneta Chimuka
MURUME anogara kuUnit M, kuChitungwiza, akamiswa mudare reko nemhosva mbiri dzinoti yekukwereta zvisina mvumo yemukweretwi (unauthorised borrowing or use of property as defined in Section 116 of the Criminal Codification and Reform Act) neyekurova munhu.

Silas Vuranda (39) akabatwa nemhosva yekurova Raymond Matsika (42) wekuChitungwiza kwakare pamwe nekutora zvinhu zvake zvisina mvumo yake.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts Tendai Mutamba akapa Vuranda chirango chekubhadhara faindi ye$60 pamhosva yekutanga uye $100 pamhosva yepiri.

Mari iyi inofanira kubhadharwa musi wa15 Gumiguru usati wadarika.

Muchuchisi Beualar Chikomo akaudza dare kuti nomusi wa8 Gunyana gore rino pachiteshi chekuUnit L, Vuranda akanetsana naMatsika zvichitevera tsaona yemotokari yainge yaitika pakati pake nemukoma waMatsika.

Vuranda akabva atema Matsika nechidhina mumusoro ndokumudira doro.

Munyaya yepiri, Vuranda akatora midziyo yemumhan’ari yaisanganisira US$10, maboni-boni nenharembozha yerudzi rweG Tel pasina mvumo achiti aizozvidzosa.

Midziyo yise iyi inokosha $3 200 uye yakawanikwa.

Vuranda anobvuma mhosva yake achiti bongozozo iri rakamuka mushure metsaona yainge yaitika.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *