‘Dzidzisai vana zvepabonde’

Phillipa Mukome-Chinhoi
Zimbabwe Gender Commission (ZGC) inoti zvakakosha kuti vana vadzidziswe nyaya dzezvepabonde vachiri kuyaruka kuitira kuti vagoziva zvakanaka nezvakashata muupenyu hwavo.

Vachitaura pamusangano wakarongwa nesangano reJustice for Children Trust nguva pfupi yadarika, Commissioner Sibongile Mauye vanoti zvakakosha kuti vana vatange kudzidziswa nezvepabonde vachiri padanho rekupuraimari.

“Zvakakosha kuti vabereki vave nenguva yekudzidzisa vana nezvepabonde nekuti haisisiri nyaya inoyera kana kunyadzisa sezvo vamwe vana vari kuita bonde iri,” vanodaro.

Cde Misheck Dudzai Mataranyika, avo vanova sachigaro wekomiti yedare reParamende inoona nezvemutemo nenyaya dzeParamende uye vari mumiriri weMakoni South mudare reNational Assembly, vanoti zera rinotenderwa munhu kuti aite zvebonde rinofanirwa kubviswa pamakore 16 okuberekwa kuenda pa18.

“Pamakore 16 vana ava vanenge vasati vava kuenda kubasa kuti vazochengetana kana vaitisana pamuviri.

“Kazhinji vana vezera iri vanenge vachiri pasi pevabereki uye vachine zvizhinji zvavanoda kubatsirwa,” vanodaro.

Vachitaurawo, Cde Perseverance Zhou avo vanova mumiriri weProportional Representation kuMidlands vanoshora vane katsika kekutenderedza mavhidhiyo evanhu vanenge vachiita bonde pamadandemutande vachiti mamwe acho anozopedzisira aonekwa nevana.

Kuchiti VaInnocent Gonese, avo vanomirira Mutare Central, vanoti vana vanenge vaine zvirwere zvepabonde vanofanirwa kurapwa pasina kubvunzwa zvakawanda-wanda.

Vanoti vamwe vevana ava vanonyara kuenda kunorapwa kuzvipatara nekuda kwemabatirwo avanoitwa ikoko.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *