‘Dzidzisai vechidiki tsika dzakanaka’

ZVAKAKOSHA kuti vechidiki vayaruke vaine ruzivo pamusoro petsika nemagariro evanhu vatema vemuZimbabwe sezvo zviri izvo zvinoumba hunhu hwakanaka mavari, vanodaro VaRaphael Chikukwa vanove curator weNational Art Gallery of Zimbabwe.Vakataura mashoko aya nguva yadarika pagungano rezviratidzwa zvechivanhu zvakaita semapfumo, mbezo, hakata nehari dzinobikirwa zvakasiyana pasi pechirongwa chePfumvudza /Intwasa Art Exhibition icho chakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

“Tine donzvo rekuti vanhu vazive chinyakare chedu – kunyanya vechidiki vemazuva ano – zvaiitwa nemadzitateguru edu zvakaita sezunde ramambo nemapira ekunaisa mvura. Zvose izvi vechidiki vanofanirwa kuzviziva zvakare nekuzviremekedza,” vanodaro VaChikukwa.

Vanoti zviratidzwa zvakadai zvinobatsira zvakare mukudzidzisa veruzhinji kukosha kwekuchengetedza nzvimbo dzakaita semakomo nemasango anoera.

“Zvimwe zvakare zvinofanira kuzvivikanwa nevechidiki ndezvekuti patsika dzedu mumwedzi waMbudzi hakuroorwi, kuita mapira kana michato nekuti zvinoera nekudaro zvinofanira kukosheswa,” vanodaro VaChikukwa.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *