Chimukuyu chine dovi

Zviri mugapu Na Muchaneta Chimuka

NYAMA yechimukuyu chemombe ine dovi inonaka kwazvo kana ichinge yabikwa zvine hunyanzvi. Mbuya Veronica Chiramba vekuWedza svondo rino vanotsanangura pamusoro pemabikirwo enyama yemombe yakaomeswa.Zvinodiwa:

Poto kana chikari chakatsvinda, nyama yemombe yakaomeswa kana kuti chimukuyu, dovi, munyu, matomatisi, hanyanisi nemhiripiri.

Wozodini?

Sasika nyama pamoto kuti ibve hunyoro. Kuomeswa kwenyama kunogona kutora svondo rose kana mwedzi chaiyo uye izvi zvinobatsira kuti inake.

Cheka midzonga yenyama yakaoma woigeza, wozodira komichi mbiri dzemvura.

Chifashaidza kusvika yaibva wozokanda munyu wakaringana. Kana mvura ichinge yapera, kanda hanyanisi dzakachekwa muzvidimbu zvidiki wokanga zvakare.

Cheka matomatisi akatsvuka wokanda muchikari, siya kuti zvinyatsoibva.

Chikurungira dovi mumvura, dira mupoto wosiya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Kana zvadai, chibura hako uzvirume rurimi nekunakirwa!

Nyama yechimukuyu chine dovi inodyiwa nesadza jena, remhunga kana rezviyo.

 

. Sunungikai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *