Dzimba dzeEcd itsva paBlakiston

Muchaneta Chimuka

CHIKORO cheBlakiston Junior School chiri muHarare chiri kuramba chichisimukira munyaya dzezvivakwa rinova danho rinokurudzirwa neHurumende munyaya dzedzidzo.

Nemusi weChishanu svondo radarika, chikoro ichi chakavhura zviri pamutemo mupanda weECD A-1 unokosha $390 000 unova uchaona vana 600 vachifunda vakafaranuka.

Mupanda uyu une makirasi matanhatu kuchizoti imba yekubikira, kamuri yekupangwa mazano (counselling room) nenzvimbo yekuzororera vadzidzi vanenge vari kurwara (sick bay).

Mai Gamuchirai Butete

Vachitaura pazuva rekuvhurwa kwemupanda uyu, VaChristopher Kateera — avo vanova Provincial Education Director weHarare Metropolitan Province — vanoti zvaitwa nechikoro ichi zvinofambirana nehurongwa hweHurumende hwekusimudzira zvivakwa muzvikoro kuitira kuti vana vadzidze vakasununguka.

“Tinofara zvikuru nemabasa akaitwa pachikoro chino uye makirasi akavakwa akanaka chaizvo zvinova zvinofambirana nechinangwa cheHurumende chekusimudzira nyaya dzezvivakwa. Tinofarawo kuti tanzwa kuti vabereki vakashanda zvakanaka nechikoro apo vakabhabhara mari dzechikoro (school levies) panova pakabva mari yakashandiswa kuvaka mupanda weEDCA-1 uyu.

“Izvi zvichabatsira kuti vana vakawanda veECD vange vachitorwa pachikoro chino,” vanodaro.

VaKateera

VaKateera vanoti dambudziko rekushomeka kwezvikoro ndiro riri kuedza kurwiswa neHurumende apo vamwe vana vanopedzisira vava kufundira panze, pasi pemiti kana mumakirasi akasakara zvinova zvinodzosera budiriro yedzidzo shure.

“Kuwanda kwezvivakwa pachikoro kunobatsira dzidzo uye varairidzi vanofundisawo vakasununguka zvichiita kuti vakwanise kupa vana dzidzo yemhando yepamusoro.

“Chirongwa cheRevised Curriculum chinofamba zvakanaka kana paine zvekushandisa zvakawanda semakirasi ekuitira ongororo, kufundira mabasa emaoko sekurima, kubika, kuveza nezvimwe uye vana vanofundawo zvakanaka zvine utano,” vanodaro.

VaKateera vanokurudzira varairidzi kuti vafambirane neruzivo rwezvichino-zvino rweICT.

VaDavid Chireka

“Tinokurudzira kuti varairidzi vose vange vaine ruzivo rweICT nekuti ndizvo zvinhu zvatova munyika dzose pamwe nemaindasitiri, nokudaro hatingazvitizi uye zvinobatsira mukusimudzira dzidzo pamwe nekuirerutsa pachinzvimbo chekushandisa mabhuku akawanda nepapepa.

“Imi varairidzi, munotofanira kusimudzira dzidzo yenyu kuburikidza nekupinda mumisangano ine chekuita nezveruzivo urwu,” vanodaro.

Vachitaurawo pagungano iri, mukuru weBlakiston Junior School, Mai Gamuchirai Butete, vanoti vari kutarisira kuti vana 600 vachange vachidzidzira mumupanda mutsva uyu.

“Mabhindauko ekuvaka mupanda uyu takaatanga muna2011 uye tinofara nekuti akabudirira. Vana vanosvika 600 vachawaniswa dzidzo yeECD mumakirasi matanhatu atinawo pano, kureva kuti makirasi matatu anenge ari eECD-A uye mamwe matatu ari eECD-B.

“Ndinotenda vabereki nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari uye vatakapa basa rekuvaka nekuti vakashanda nemazvo,” vanodaro.

VaDavid Chireka, avo vanova sachigaro weSchool Development Committee, vanotenda vabereki nekubhadhara mari dzechikoro izvo zvakaita kuti mupanda weECD uyu uvakwe.

Vamwe vabereki vaive pachiitiko ichi vanoti vanofara zvikuru nekushandiswa nemazvo kuri kuitwa mari dzechikoro uye kuti vana vavo vachange vachiwana pekufundira pakanaka.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *