Dzimwe tsika siyanai nadzo

CHIRWERE cheCovid-19 chashungurudza vanhu pasi rose.

Denda risati rawanirwa mushonga unorirapa iri harisarudze pakubata vanhu uye hariremekedze miganho yenyika, rinobata vanhu vose — kubva kuvaduku kusvika kuvakuru — vatema nevachena zvose, varombo kana shoroma.

Kugona Covid-19 kutotevedzera kurudziro dzeveutano, dzimwe dzacho dzinoda kuti veruzhinji vambosiyana nedzimwe tsika dzavagara vachiita.

Kutaura kuno muZimbabwe mawanikwa vanhu 63 vaine chirwere ichi mushure mekunge vavhenekwa.

Kuitira kuderedza kutapurirana coronavirus — hunova hutachiona hunokonzera Covid-19 — vanhu vanokurudzirwa kumbosiyana netsika dzekumhoresana, kuungana separufu, kumbundirana uye kugara kana kumira vari pedyo nepedyo.

Dzimwe dzetsika dziri kurambidzwa dzagara dzakangoipa nakare.

Kungosvipira mate pose-pose, kukosora usina kuvhara muromo, kubata kumeso nemaoko asina kuchena nekungoita huchapa, itsika dzagara dzakaipa kubva Covid-19 isati yauya.

Dambudziko rine vamwe nderekuregedza dzimwe tsika sekumhoresana nekuungana pangava parufu.

Vamwe vangati tsika idzi dzinonetsa kudzisiya, asi nyaya iripo ndeye sarudzo pakati petsika nerufu.

Chokwadi ungasarudze kumhoresana nemunhu nemaoko nekuda kwenyadzi kana kuti kwetsika, asi wosara worwara?

Ko inga vamwe vanyarikani semukuwasha naambuya vagara havambundirane kana kumhoresana nemaoko wani? Kusamhoresana kwavo “chishanu” kunganzi kwakaipa kana kuti kunoshoreka here?

Kana waona munhu anokutambanudzira ruoko achida kukumhoresa, iwe usamupe rwako ruoko. Unenge watomuyeuchidza kana kumupa chidzidzo chekuti mazuva ano hazvisi kuitwa. Unenge wakoshesa utano hwake nehwako kwete kuti wadada.

Kana pari parufu, musaungane muchidarika vanhu 50. Zviri nani kuzonobata maoko pane kunozara parufu, pedzezvo mobvapo matapurirana coronavirus.

Chamagona chii?

Zviri nani vanhu vakutaure kana ukasvika parufu worega kubatana nevaripo maoko asi kungokumburana navo muri kure nekure. Vanotaura vachasara vachitaura nekuda kwekusaziva, asi vanenge vaita izvi vanenge vakoshesa utano hweruzhinji.

Zvakawanda zviri kunzi veruzhinji vaite mumazuva ano eCovid-19 izvo zvimwe zvacho zvinofungwa nevamwe kuti hazvienderane netsika dzavajaira kuita.

Hongu, tsika dzinoda kutevedzerwa. Asika, zvinodawo kuyeuka kuti kuti utevedzere tsika hunge uri mutano kana kuti uri mupenyu.

Dzimwe tsika dzinoda kumbosendekwa kure nekuti Covid-19 handi jee. Inouraya.

Usadye huroyi nekunyara! Panguva ino yeCovid-19, dzimwe tsika siyanai nadzo.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *