‘Dzosai roora rangu’

Garnet Zvimba
MURUME wekuvhunditsira mudzimai wake achiti anoda kumuuraya pamwe chete naamai vake kana asina kudzorerwa mari yake yeroora akazochechuka amiswa mudare redzimhosva.

Veronica Muchaitekai akachema-chema kuHarare Civil Court achiti upenyu hwake huri parumananzombe nekuda kwemurume wake, Roderick Tamani, uyo ari kumuvimbisa rufu zuva nezuva.

“Murume uyu anoita basa rekuuya kumba kwangu sezvo tisisachagari tose achindivhundutsira kuti anoda kundiuraya pamwe chete naamai wangu kana asina kupihwa mari yake yaakandibvisira. Ndave kugara ndichitya saka ndati dare rindibatsirewo,” akadaro Muchaitekai.

Achipawo divi rake, Tamani akati handiye baba vemwana waMuchaitekai naizvozvo aifanirwa kudzorerwa roora rake.

“Ini nemukadzi uyu takaroorana 2008 asi ndakazoshama muna2012 ave kundipa gupuro apa mwana akanga asati ava negwaro rekuzvarwa.

“Ndipo ndakaona kuti handisirini baba vemwana nekuti aisafanira kundipa gupuro mwana asati ave negwaro rekuzvarwa.

“Anoda kuzomutoresa nani, kureva kuti ane mumwe baba asiri ini saka ndiri kuda mari yangu yandakamubvisira.

“Kumba kwake ndinosvika nekuti ndinenge ndichida kuona mwana,” akadaro Tamani.

Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaMuchaitekai akati Tamani anofanira kuchengetedza runyararo nguva dzose.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×