Econet yotendwa neParamende

 

Econet iri kubatsira vadzidzi  kuburikidza nechirongwa chayo chinonzi Basic Education Suppport
Econet iri kubatsira vadzidzi kuburikidza nechirongwa chayo chinonzi Basic Education Suppport

KAMBANI yeEconet iri kurumbidzwa nekubatsira kwairi kuita mukusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuyamura vana vanoshaya vanodarika 76 000 kubvira padanho repuraimari kusvika kuyunivhesiti nemari dzechikoro nezvimwe zvekushandisa mufundo.

Rumbidzo iyi yakaitwa nekomiti yedare reParamende inoona nezvemidziyo yekufambiswa kwemashoko, posvo nedzinhare nguva pfupi yadarika apo yaitura gwaro rayo mudare iri.

Komiti iyi inoti Econet iri kubatsira vadzidzi ava kuburikidza nechirongwa chayo chinonzi Basic Education Suppport icho chiri pasi pebandiko reHigherlife Foundation.

Vadzidzi vanodarika 23 000 kubva kupuraimari kusvika kuyunivhesiti vanonzi vakabatsirwa nemari dzefizi nekambani iyi gore rapera.

“Kubvira muna 2010, Econet inoti yabatsira vana vanodarika 76 000 vanoshaya pasi pechirongwa cheBasic Education Scholarship Programme,” inodaro komiti iyi.

Econet inonzi zvakare yakavamba nzvimbo dzinodarika 3 000 munyika yose idzo vechidiki vanokwanisa kuenda vachinodzidza kuburikidza nekushandisa dandemutande pamwe nekupangana mazano.

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *