‘EHEKA NDINACHO CHIKOMBA, SAKA?’…‘Ndakaita boyfriend neshungu’

Nyasha Bvudzijena
MUDZIMAI anogara kwaChiroodza, kuDomboshava, akasiya vanhu vaive mudare vasina neremuromo apo akati murume wake haasi kumupa rudo rwunomugutsa izvo zvakaita kuti apedzisire atsvaga chikomba.

Patience Muchinjikwa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil apo akamhan’arira Tafadzwa Vhazvura achiti anomurova nekumushungurudza mupfungwa.

Mutongi Tilda Mazhande akapa Muchinjikwa gwaro rinomudzivirira.

“Ndinokumbirawo dare rimise baba ava kundirova nekundituka uye kuda kundidzinga pamusha wedu,” anodaro Muchinjikwa.

Vhazvura anoti kunetsana kuripo zvechokwadi asi zvose zviri kubvira pachipfambi chiri kuitwa nemudzimai wake.

“Changamire, ndinobvuma mhosva yangu asi ndakange ndarwadziwa mushure mekubatikidza mudzimai wangu nechikomba. Takagadziriswa kwasabhuku vakavimbisa kurambana nemurume iyeye asi nazvino vachiri vose uye vanotofonerana ndichinzwa,” anodaro Vhazvura.

Muchinjikwa anotsinhira kuti ichokwadi akatsvaga chikomba mushure mekurwadziwa nekubatwa nekuseri kweruoko naVhazvura.

“Ichokwadi kuti ndine boyfriend asi chikonzero ndechekuti murume uyu haana nguva neni, saka ndakaona kuti zviri nani nditsvage wekupota ndichiudza nhamo dzangu anonditererawo nekuti ndinosvika pakusurukirwa ndisina anondidawo,” anodaro Muchinjikwa.

Mutongi Mazhande akakurudzira vaviri ava kuti vatsvage rubatsiro kumapurisa ari pedyo navo kuti vagone kugarisana zvakanaka.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *