Everton yorambira naStones

EVERTON yakaramba kutambira mari inosvika 30 miriyoni paunzi kubva kuChelsea, kanova kechitatu, iyo inoda kutenga mutambi wayo, John Stones.

Mutambi uyu, uyo ane makore 21 okuberekwa, akwanisa kutambira England ka21 uye ari kudiwa nemaBlues, avo vakamboedza kumutenga nemari inoti 25 miriyoni paunzi ne20 miriyoni paunzi kare asi zvikaramba.

Imwe nhengo yeEverton yakataura neSky Sports News mazuva achangodarika kuti chikwata chavo hachisi kuda kutengesa Stones kuChelsea uye vakavazivisa izvi kaviri kose.

Maneja wemaToffees, Roberto Martinez, akataura svondo radarika kuti Stones haasi kuzotengeswa mwaka uno.

Martinez akati, “Ndakambozvitaura kare kuti mutambi uyu haasi kutengeswa, ndatopedza kutaura pamusoro penyaya iyi.

“Patiri sechikwata pange pakajeka kubva kare pakutanga chaipo. Hatisi chikwata chinongotengesa chete chichitorerwa vatambi vacho vanogona.”

Chelsea iri kutsvaga mumwe mutambi anovhara bhora uyo achange achikwikwidzana naJohn Terry, Gary Cahill naKurt Zouma kupinda muchikwata chaJose Mourinho.

Terry akaburitswa zvisinganzwisisike muchikwata chemaBlues svondo radarika apo pachakarakashwa neMancester City 3-0 mumutambo weligi paSuper Sunday.

Stones akatengwa neEverton kubva kuBarnsley mugore ra2013 uye akakwanisa kutambira chikwata chekuMerseyside ichi ka56. — Sky Sports News

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×