Fodya yakakanganiswa nemvura

KAMBANI yeTobbacco Industry Marketing Board (TIMB) inoti mvura yanga ichinaya nguva yadarika yakakanganisa zvikuru chirimwa chefodya kuminda mizhinji kumatunhu mana enyika.

Mushandi mukuru anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kukambani iyi, VaSheunesu Moyo, vanoti fodya yakakanganiswa nemvura iyi inosanganisira iyo yakange yave padanho rekukohwewa.

“Kubva mwaka wa2016 kusvika 2017  uchitanga, fodya yedu muminda yaiva yakanaka zvikuru – kunyanya yevaye vakatanga kurima.

“Yekutanga iyi yanga yava kutokohwewa apo pakazouya mvura yakawandisa masvondo akadarika imwe ndokunyudzwa nemvura iyi kureva kuti sevarimi takarasikirwa,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti imwe yefodya iyi yakatanga nekutsvukuruka mashizha epasi achioma zvekuti yakabva yaita yemhando yepasi-pasi.

“Vamwe varimi vakagumisira vave kumhanyidzana nenguva pakutemha fodya iyi vachiendesa kumadhirihora vave kutyira kuti yaizokuvadzwa kana kunyudzwa nemvura iyi,”  vanodaro.

Fodya yanonoka kurimwa, vanodaro VaMoyo, ndiyo yakawanda yakanyudzwa nemvura iyi.

Vanoti izvi zvinoreva kuti vamwe varimi vanogona kutadza kudzokera muminda mumwaka wa2017 kusvika 2018 sezvo vanenge vasina kutengesa zvirimwa zvavo.

Zvakadai, VaMoyo vanoti vanotarisira kuvhurwa kwemisika yefodya munguva pfupi inotevera.

“Nyanzvi dzedu dziri kufamba kumativi mana dzichiongorora mamiriro akaita goho redu iye zvino nekunaya kwakaita mvura yakawanda iyi,” vanodaro.

Mwaka uno, kune misika mitatu yakapihwa matsamba ekutengesa fodya iyo inoti Boka Tobacco Auction Floors, Premier Tobacco Auction Floors neTobacco Sales FLoor (TSF).

VaMoyo vanoti fodya yakadyarwa muminda mwaka uno yakatandavara mahekita 32 208 kana zvichienzaniswa nemahekita 28 865 emwaka wapera. Varimi  vakanyoresa kurima fodya gore rino vanosvika 73 492 apo gore rapera vaiva 69 518.

Vanokurudzira varimi vachiri kutemha fodya yavo nekupisa kuti vashande nenyanzvi dzezvekurima kuitira kuti basa ravo rifambe zvakanaka.

“Fodya yakanaka inobva mukupiswa kwakanaka kwayo nekusarudzwa,” vanodaro.

Zvakadai, Mai Chido Nyakudya vanoona nezvekutengeserana nekudyidzana neruzhinji kumusika weBoka Tobacco Auction Floors vanoti vagadzirira zvikuru kutanga kwemwaka wefodya.

“Sekambani tatomirirawo zvichataurwa neTIMB, gadziriro dzekutengesa fodya takapedza,” vanodaro.

VaPhilemon Mangena vanova managing director wePremier Tobacco Auction Floors vanoti kambani yavo yagadzirirawo zvizere kuzovamba kwemwaka wekutengeswa kwefodya.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *