OLIVIER Giroud pamwe chete naFrancis Coquelin naLaurent Koscienly vakasayina makondirakiti matsva kuArsenal asi ramangwana revamwe vatambi vanoti Mesut Ozil naAlexis Sanchez harisati razivikanwa.
“Takasvika pakuwirirana kuti tiwedzere kondirakiti yangu,” Giroud akadaro.
“Ndaida chaizvo kuramba ndiri kuno, ndinonzwa kufara ndiri muchikwata chino.
“Pandaitaura nemurairidzi wangu aigarondiudza kuti ndakakosha chaizvo kwaari uye muchikwata chake.”
Giroud ange achipukunyutsa Arenal mumitambo yadarika izvo zvange zvichimuona achinwisa katatu mutambo wave kupera zvichibatsira chikwata chake kuhwina zvibodzwa zvakakosha.
Arsenal iri kuedza kutaurirana naOzil naSanchez kuti vasayine makondirakiti matsva, Sanchez kunyanya ndiye ari kunetsa. Kondirakiti dzavo dzinopera gore rinouya.
Ozil, uyo ane makore 28 okuberekwa, akataura masvondo adarika kuti achamirira kuona kuti Arsene Wenger achaita sei ramangwana rake asatiwo asayina kondirakiti yake.
Arsenal ine chivimbo chekuti achabvuma kusayina.
Asi nyaya yaSanchez inenge iri kunetsa. Vamwe vatambi veArsenal vanoti mutambi uyu ari kuda kutambiriswa mari inodarika £250 000 pasvondo kuti abvume kuramba ari kuArsenal.
Arsenal ine rimwe gomo rakaimirira kukwira nekuedza kupa makondirakiti matsva kuvatambi vayo vanove zvizvarwa zvemuEngland vanoti Alex Oxlade-Chamberlain, Jack Wilshere naKieran Gibbs. Vatambi vatatu ava havasati vatanga hurukuro nechikwata chavo dzekuwedzera mamwe makore pakondirakiti dzavo. – Daily Mail Football.




