Fodya ye$592m yakatengeswa

KAMBANI yeTobbaco Industry and Marketing Board inoti fodya yatengeswa kumisika yakasiyana munyika muno kubvira kutanga kwemwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi kusvika pari zvino i203 miriyoni kgs iyo inokosha $592 miriyoni.

Huwandu hwefodya yatengeswa iyi hwakawedzera nechikamu che28 percent kana zvichienzaniswa ne159 miriyoni kgs iyo yakatengeswa panguva imwe chete iyi mwaka wadarika. Ongororo ichangobva mukuitwa neTIMB inoratidza kuti varimi vakatengesa 190 miriyoni kgs mumazuva 56 ekutanga kwemwaka uno kana zvichienzaniswa ne152 miriyoni kgs dzakatengeswa munguva imwe chete iyi gore rapera.

TIMB inoti varimi 103 651 avo vakapinda muchirongwa chemakondirakiti vakaendesa fodya yavo kumisika mwaka uno kana apo 69 153 vakatengesa panguva imwe chete iyi muna 2017.

Huwandu hwevarimi vasiri muchirongwa chemakondirakiti avo vakatengesa fodya yavo hwakawedzera zvakare kubva pa27 135 kuenda pa28 140 mwaka uno.

Mabhero 2 461 713 akatengeswa kubva pakutanga kwemwaka uno kana zvichienzaniswa ne1 959 876 akatengeswa mwaka wadarika panguva imwe cheye iyi.

Gore rino, mutengo wefodya wepamusoro i$6,25 pakg apo gore rapera waive $6 pakg.

TIMB inoti zvakare huwandu hwevarimi vakanyoresa kurima fodya mwaka uno hwakawedzera nechikamu che47 percent kubva pa98 744 gore rapera kuenda pa145 115 mwaka uno.

Chirimwa chefodya chave pamusoro zvakanyanya muZimbabwe mukusimudzira upfumi hwenyika apo chinounza mari yekunze.

Vanhu vanodarika 3 miriyoni munyika muno vanoraramiswa kuburikidza neindasitiri yekurimwa kwefodya.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *