VARIMI vefodya vakarima mumera wekutanga vakatotanga kare kukohwa nekupisa vachiisa mumabhero uye vamwe vacho vanonzi vatongomirira kuzovhurwa kwemwaka wekutengeswa kwechirimwa ichi wegore ra2017.Mushandi mukuru anoona nezvekudyidzana neruzhinji kukambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB), VaUsheunesu Moyo, vanoti vari kufadzwa zvikuru nebasa riri kuitwa rekukohwa nekupisa fodya kumatunhu akasiyana enyika.
“Tine varimi vedu vefodya vakadyara mbesa dzavo mumwedzi waGunyana naGumiguru avo vakatotanga kare kukohwa vachipisa.
“Mhando yefodya iyi inoratidza kuti yakanaka zvikuru uyewo iri kupiswa zvakanaka.
“Dambudziko chete ratakaita ndere zvimwe zvirimwa zvakaparadzwa nemvura ine mhepo iri kunaya mazuva ano,” vanodaro.
VaMoyo vanoti zvisinei nematambudziko angasangane nevarimi munyaya yekurima fodya, vanofanirwa kushingirira mubasa iri.
Vanoti varimi vazhinji vakadyara fodya yavo mimwedzi yekutanga iyi vaidiridzira avo vakatokohwa nekupisa uye vamirira kuvhurwa kwemisika yefodya chete.
“Tinotarisira zvikuru kuti mitengo yefodya yemwaka wa2016 kusvika 2017 ichange ichifadza kudarika gore rakapera zvinoita kuti varimi vazokwanisa kuzodzokera muminda mumwaka wacho unotevera,” vanodaro VaMoyo.
Mwaka wapera, fodya yakatengeswa kumisika yose aive makgs 202 miriyoni ayo aikosha $600 miriyoni. Fodya iyi yaitengeswa nemutengo wepakati nepakati waive $2,93c pakg.
Zvakadai, VaMoyo vanokurudzira varimi kuti vapote vachiwana ruzivo kubva kubazi rinoona nezvemamiriro ekunze reMeteorological Services Department kuitira kuti vakwanise kuronga mabasa avo vachiziva mamiriro ekunze.
“Sevarimi vefodya ndinoti ngatishandisei mishonga inokodzera muzvirimwa kwete kungotenga yose yose kuvanhu vemumigwagwa nekuti tinoona kuti vamwe varimi vanokanganisirwa fodya yavo inenge yakanaka nekuda kwemimwe mishonga yavanoshandisa,” vanodaro.
Vakazoyambirawo varimi kuti vagadzire mabhero avo nenzira inodiwa vorega kuisa zvimwe zvinhu mukati zvinoita kuti adarikidze huremu hwefodya chaiyo inenge irimo.
“Mabhero anowanikwa akaiswa zvidhinha kana matombo anobva abatwa varimi vacho vobvisiswa faindi uyewo zvinoipisa zita revarimi ava muchikamu chezvekutengeswa kwefodya,” vanodaro VaMoyo.




