Fundisai vana zvenharaunda nezviwanikwa – Kasukuwere

GURUKOTA rinoona nezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Saviour Kasukuwere, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vadzidziswe machengeterwo akanaka enharaunda nezviwanikwa sezvo iri iyo nhaka yavo yemangwana.

Vakataura mashoko aya kuMukuvisi Woodlands, muHarare nguva pfupi yadarika pachiitiko chekukurudzira kuchengetedzwa kwakanaka kwenharaunda nezviwanikwa icho chakarongwa neUnicef.

“Vana vechikoro vanofanira kukura vachiziva kuchengetedza miti, mvura nematoro. Vanofanirwa kuziva mitongo inopihwa kana munhu awanikwa aine mhosva yekutema miti, kupisa masango nekuchera-chera nharaunda zvisiri pamutemo.

“Vana vechikoro vanozokwanisa kuudzawo vari kudzimba nemumunharaunda kuti vazive kukosha kwekuchengetedza nharaunda,” vakadaro Cde Kasukuwere.

Zvakadaro, environmental education co-ordinator kuMukuvisi Woodlands, VaGibson Nhokwara, vanoti kubva gore rino richitanga, vakwanisa kupa ruzivo pamusoro pekuchengetedzwa kwenharaunda kuzvikoro zvepuraimari nesekondari zvakawanda izvo zviri kumatunhu akasiyana enyika. “Sangano redu riripo pakudzidzisa nekupakura ruzivo kune vana vechikoro nenyika yese takabatana nebazi renharaunda, mvura nemamiriro ekunze,” vakadaro.

Zvikoro zvakatangawo zvakare kuita makirabhu ezvirongwa zvekuchengetedza nharaunda nemamiriro ekunze, kurima nekusima miti. Zuva iri rakaona zvikoro zvakasiyana, zvinosanganisira ZRP Primary neDadhley Hall Primary, zvichipihwa mibairo yekugona kuchengetedza nharaunda pasi pechirongwa cheEco Schools Programme.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×