Sodhoma neGomora pakomboni

MUMUSHA unogara shoroma weGlen Lorne, muHarare, mava neimwe komboni iyo yatsviriridza nemabasa akaipa sechipfambi, humbavha nekutengeswa kwezvinodhaka sembanje, pamadiro.

Komboni iyi, iyo padyo netollgate riri mumugwagwa weHarare-Nyamapanda, inodaidzwa nekuti Gorongoza.

Kwayedza yakasvika pakomboni iyi svondo rapera ndokuona midhadhadha yedzimba dzezvimisososo dzakavakwa nemapango netsanga ndokuzodzururwa nevhu dziine matenga ehuswa.

Chipfambi, kuputa mbanje, kunwiwa kwedoro risingabvumidzwe seZed, kutamba njuga nekurwisana ndiwo magarirwo anonzi ari kuitwa pakomboni iyi. Pakasvikwa apa nevatori venhau, vagari vepo vaidongorera vari mumadushwa edzimba dzavo idzi vachida kutanga vagutsikana nezvaiitika.

Mumwe wevagari vepo, Abraham Thomas (25), akati nzvimbo iyi inoitwa zvose-zvose.

“Muno mukoma chipfambi hachinyadzise kana kushamisa, isaruraude. Kana vanotiza mhosva vanouya vachihwanda muno. Kana muchitodawo tikutsvagirei mupedze nyota, havanetse zvavo vakadzi vacho,” akadaro Thomas.

Mumwe mudzimai wechidiki akaedza kutaurwa naye akabva atiza achienda muchimba chake chemapango nehuswa icho akanopinda akakotama seaipinda mubako.

“Munoda ani nhaimi tikutsvagirei?” akadaro achifuratira.

Allan Chisango (20) anoti mukomboni iyi hamuzivikanwe mukadzi wemunhu nevasina varume.

“Madzimai muno anochinjaniswa sehembe, wako unogona kuwana aine mumwe iwo madzimai acho achirwira varume zvakare. Varumewo zvibhakera zvoga-zvoga, kurwira vakadzi nezvimwe uye mune mabhawa maviri asingavharwe,” akadaro.

Vamwe varume vanonzi vanotiza mhuri dzavo vachienda kunogara nepfambi mukomboni iyi.

“Dzimwe mhuri hadzisisina variritiri, varume vanyudzwa muno. Munofunga imi murume akakechwa muno achibva kuGlen View kana kuGlen Norah mudzimai anoziva kuti onanga nekupi? Munozoguma mafunga kuti akafa kare,” akadaro Chisango.

Panzvimbo iyi, sezvo pasingabviswe mari yerendi, vanhu vanogosvikovaka zvimba zvavo vozvigarira.

“Mvura tinayo pachibhorani, kiriniki tinorapwa kuSt Joseph Clinic uye zvikoro zviri padyo. Vanhu vane dzimba muno vanodarika 250, imba imwe chete ichibvira pavana vatatu kusvika kuvanomwe,” akadaro mumwe mugari wepakomboni iyi.

Muridzi wepuroti iri anonzi akafa vana vake ndokuenda kuUnited Kingdom.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×