‘Fury ane nyaya’

TYSON Fury achiri akatemerwa zvirango neBritish Boxing Board of Control uye rezinesi rake harisi pedyo nekudzorwa, sangano rinodaro richivharidzirwa mukana wemutambi uyu wekudzoka mutsiva.

Musi weMuvhuro svondo rino, shasha iyi yaimbove nebhande reheavyweight yakatura kuti ichadzoka mutsiva muna Chivabvu.

Asi kubva paakakunda Wladimir Klitschko mugore ra2015, akatorerwa mabhande ake eIBF uye ndokusiya mamwe nekuda kwezvikonzero zvehutanho hwake izvo zvakazoita kuti atorerwe rezinesi rake ritsiva nesangano iri.

“Kuziva kwangu ndekwekuti takamutorera rezinesi rake saka haafanirwe kukwikwidza, ndizvozvo.

“Ane nyaya dzakawanda idzo anofanirwa kugadzirisa tisati tambofunga zvekubvisa zvirango zvatakamutemera.

“Hatisati tambokurukura naFury kana mumwe wemuchikwata chake kubvira paakatemerwa zvirango zvekusakwikwidza. Tinoziva kuti pane musangano uchaitwa wekunzwa nyaya yake yekutora zvinodhaka zvisingatenderwe, saka kusvika nyaya iyoyo yagadziriswa, acharamba ari pazvirango,”  akadaro BBBofC general-secretary Robert Smith.

“UK Anti-Doping ndiyo inogadzirisa nyaya dzese dzine chekuita nekutora zvinodhaka. Rezinesi rake reBBBofC harishande kusvika UKAD yapedza tsvakurudzo dzayo. Ndakamirira kunzwa kuti vanopedza rinhi zvimwe mumwedzi unotevera.

“Fury ane nyaya dzakawanda dzinoda kugadziriswa uye hazvitore kuridza maoko ako kuti dzipere – pane nyaya yehutano hwake iyo yakakosha zvikuru kwaari.” – Sky Sports News.

 

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×