‘Futi chikomba chako ndicho chakaponda’

Nyasha Bvudzijena

HANZVADZISIKANA inoti haisi kudya rinopisa nekuda kwehanzvadzikomana yake iyo iri kumupomera kuti ndiye akapondesa mukoma wake nezvikomba zvake zvinova matsotsi.

Sandra Matunda akamhan’arira Bernard Matunda kudare reHarare Civil Court achiti anomushungurudza zvikuru. Mutongi wedare iri Tafadzwa Miti akapa Sandra gwaro rinomudzivirira.

“Ishe, hanzvadzi yangu iri kundinetsa nekundityisidzira nekuti iri kuti ndini ndine chikomba chakauraya imwe hanzvadzi yedu iyo yakafa nekupondwa. Anoti zvakare ndini ndiri kuita kuti mai varware naizvozvo ndiri kushushikana nemashoko aya,” anodaro Sandra.

Anoti Bernard anorwadziwa nekuti ndiye anotumwa naamai vavo kunotora mari kubhengi nekuvatengera zvavanenge vachida nemari iyoyo.

Bernard anoudza dare kuti nyaya yanetsa ndeyekuti Sandra haadi kugezesa amai vavo avo vari kurwara.

“Nyaya yatiri kunetsana ndeyekugezesa amai vedu avo vari kurwara, Sandra haadi kuvagezesa nekudaro mukadzi wangu newemukoma wangu ndivo vari kuita basa rose asi iye aripo,” anodaro Bernard.

Anoenderera mberi achiti, “Hanzvadzi yangu iyi ine pamuromo zvakare ndiye nyakutotanga kundinyon’onya mushure mekunge ndamuudza kuti pota uchimbouyawo kumba uchibatsira varoora vako kugezesesa amai vedu.”

Bernard anoti chaanongoda chete kuti Sandra achengetewo amai vavo sezvo iri ngozi kuti varoora vagezese vamwene.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *