Mvura iri kuuya – Met Dep

MVURA inotarisirwa kunaya kumatunhu akasiyana enyika anosanganisira Bulawayo Metropolitan, Matabeleland South, Midlands, Masvingo neManicaland kutanga nemusi weChina svondo rino.

Veruzhinji vanokurudzirwa kuti vatore matanho ekuzvidzirira kubva kunjodzi dzinokonzerwa nemvura inonaya.

Kana mvura ichinaya iine dutu, inogona kutakura matenga edzimba, miti kana tambo dzemagetsi nekudaro veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare mudzimba kana munzvimbo dzakavharika.

Ongororo yakaitwa nanamazvikokota inoratidza kuti dzimba dzakapfirirwa nehuswa hadzitakurwe matenga adzo nyore nemvura ine dutu kana zvichienzaniswa nedzakapfirirwa nemarata kana matiles.

Vanhu vanogara munzvimbo dzinowanzosangana nedambudziko remalaria dzinosanganisira Chiredzi neZambezi Valley, vanokurudzirwa kuti vatore matanho ekudzivirira kutapurirwa chirwere ichi sekufirita nemishonga inouraya humhutu kana kushandisa mosquito nets. – Meteorological Services Department

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *