Gadziriro dzekurima gorosi dzoitwa

Kingstone Mapupu —
SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoti gadziriro dzekurima gorosi remuchando dzave padanho repamusoro uye mwaka uno rine tarisiro yegoho guru nekuda kwerutsigirwo ruri kupihwa neHurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

ZFU executive director, VaPaul Zakariya, vanoti vanotenda zvikuru Hurumende nekupa kwairi kuita varimi zvekushandisa zvinosanganisira mbeu, fetereza nemishonga yekufiritisa zvirima.

“Makore adarika, varimi vedu – vangava vemunguva yezhizha, vezvirimwa zvemuchirimo kana kuti muchando – vaitarisana nedambudziko guru rekushaya zvekurimisa kubvira kumari kusvikira kumbeu nefetereza yacho asi iye zvino tinotenda kuti Hurumende yakapindira,” vanodaro.

Vanoti chirongwa cheCommand Agriculture chabudirira zvikuru pakurimwa kwechibage uye itarisiro yavo kuti chichabudirira zvakare pakurimwa kwegorosi remuchando.

VaZakariya vanoti zvakakosha kuti varimi vashandise zvavanenge vapihwa  nemazvo.

“Chokwadi murimi anopihwa mbeu nefetereza kusanganisirawo dhiziri nezvimwe toona zvichitengeswa nemukoto kumagaraji nemataundishipi, munhu wonwa doro zvake achiny’udza nyika? Kuita kwakadai kwakaipa uye vanenge vabatwa vachiita izvi ngavasungwe,” vanodaro.

VaZakariya vanoti mwaka wadarika matani 60 000 egorosi ndiwo akakohwewa apo nyika ichida matani 450 000 pagore kuti ringe richikwanirana.

“Minda yatiri kubvisa chibage chedu chizhinji chatinacho mwaka uno ngatiisei gorosi. Asika ivhu redu repamusoro rakakukurwa nemvura zhinji iri kunaya saka tinoda kuti tiriendese kunoongororwa rotariswa kuti rinoda fetereza yepasi neyepamusoro yakawanda zvakadii. Tikadaro, tinorima zvine pundutso,” vanodaro.

Vanokurudzira varimi kuti vashande pamwe chete nevarimisi vari kumatunhu avo akasiyana.

“Panosarudza varimi vechirongwa cheCommand Agriculture vanorima gorosi remuchando, ndinokurudzira kuti kusarudzwe vane nhoroondo yepavanorima uyewo vaine madiridziro padyo. Ngavavewo vaine zvekushandisa zvinooneka nevashandi kwete kungotora munhu wese-wese,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti zvakakoshawo kuti varimi vazive zvizere zvinotarisirwa kubva kwavari pasi pechirongwa cheCommand Agriculture ichi sezvo kana vachinge vapihwa chikwereti vanofanirwa kuzochibhadhara.

“Kuwanda kwebasa rekurima munyika kunorevawo kuwanikwa kwemabasa neruzhinji,”  vanodaro.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×