‘Gadziriro yekurima ngaitange izvozvi’

VARIMI vokurudzirwa kuita gadziriro dzekurima nguva iripo kuitira kuti vadyare mbesa dzavo nemvura yekutanga. Mashoko aya akataurwa naVaWonder Chabikwa vanova mukuru wesangano revarimi reZimbabwe Commercial Farmers Union (ZCFU) zvichitevera kuswedera kwaita mwaka wezhizha wa2016 kusvika 2017.

Vanoti varimi vazhinji, vangava vadiki kana vakuru, vanozotanga kuita gadziriro mvura yekutanga yatonaya izvo zvinodzorera mabasa ekurima kumashure.

“Tinoti kuvarimi vedu izvozvi ngavarime minda yavo mvura isati yanaya, pavanoona mvura yekutanga yaturuka vototara maraini vodyara mbesa dzavanoda.

“Izvi zvinobatsira kuti tifambirane nenguva,” vanodaro VaChabikwa.

Vanoti murimi akangwara anotenga mbeu pamwe chete nefetereza pakati pechirimo kwete kuzomirira kuti mvura inaye.

“Izvozvi minda yose inofanirwa kunge ichirimwa tozongomirira kudyara chete, avo vefodya tinodavira kuti mibhedha yenhondo yatova pasi imwe iri kuitwa kuitira kufambirana nemwaka wegore rino zvichipambira kusvika mune rinouya,” vanodaro. VaChabikwa vanoyambira varimi  kuti vatevedzere zvose zvavanotaurirwa nevarimisi kuti vasarasike pane zvinodiwa nevhu ravo mukurima.

“Tine minda inoda kugara ichirungwa nelime nekuiswawo zvimwe zvakasiyana, kana mipfudze chaiyo inguva yacho kuti icherwe izvozvi younganidzwa kuti ibikane nekuibva yozotakurwa kuendeswa muminda yasangana,” vanodaro.

Vanotiwo chivimbo chavo kuti makambani embeu ane mbeu inokwanirana nevarimi.

“Tinovimba nemakambani edu anouchika mbeu kuti anotiwanisa zvose zvatinoda nenguva tigodyara mbeu dzedu pasina dambudziko,” vanodaro.

VaChabikwa vanoti zvakakosha kuti varimi vazive mamiriro anenge akaita mwaka wemvura unouya kuburikidza nekuteerera zvinotaurwa nevanoona nezvemamiriro ekunze veMetereological Services Department.

“Pane imwe nguva inorasikirwa varimi nembeu apo vanodyara pasi pasina hunyoro hwakakwana mbeu yavo ingava yechibage kana yezvimwe zvirimwa yoguma yawora.

“Varimi ava vanenge varasikirwa nenzira iyi vanozoshandisa imwe mari kutenga mbeu vave kudyarurura,”  vanodaro.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×