Abel Ndooka
MUIMBI wenziyo dzechitendero Abednico Samutosha ari kubata chikamu chakakosha chekuumbiridza mhuri kuti dzigare murudo, kuburikidza nemhanzi yake.
Samutosha, uyo anonyanya kuzivikanwa saPsalmist Samutosha, achangobva kubura dambarefu rake idzva rine musoro unoti “Family Matters”, iro rizere nenziyo dzinovaka vanhu, mhuri dzakasiyana-siyana pamwe nekupa dzidziso maringe netsika nemagariro evanhu vatema.
Padambarefu iri pane nziyo dzinosanganisira “Mashoko eRugare”, kanova kambo kaakaimba naTrymore Bande.
Kunozotiwo “Chibairo Chababa”, ako kari kunetsa zvikuru, pamwe chete na”Anonyararidza Mwana”.
Achitaura neKwayedza, Psalmist Samutosha akati nyaya dzine chokuita nemhuri dzinomukoshera zvikuru; anotizve ndosaka achiita nziyo dzinodzidzisa kuti vanhu vagarisane mune zvakanaka mumhuri dzakasiyana-siyana.
“Ini ndinokoshesa zvikuru mhuri; ndosaka rwendo rwuno ndakatora danho iri, ndikati ndimbotsikisawo nziyo dzinobata-bata mhuri, kunyanya padambarefu rangu ‘Family Matters’, iro rine nziyo dzinodzidzisa vemhuri kuti vagarisane pamwe chete uye vazive kwavakabva.
“Sevaimbi, ibasa redu kuti tiumbiridze vanhu pamwe chete nekudzidzisa voruzhinji kuti vagare murudo mudzimba dzavo uye vakoshese tsika nemagariro edu evanhu vatema,” akadaro Psalmist Samutosha.
Kubva zvaapinda mudariro rezvemhanzi, Psalmist Samutosha akwanisa kutsikisa madambarefu mana anoti “2017 Anosimudzira”, iro rakabuda mugore ra2017; “Watenda Shoko” (2021); “Pamunonamata” (2024); uye “Family Matters”.
Muimbi uyu anoti mukukura kwake aiyemura vaimbi vaisanganisira Cephas “Moto Muzhinji” Mashakada; Admire Kasenga, uyo aiimba nechikwata cheNgosimbi Crew; Mark Ngwazi; naBlessing Shumba.