Garura orangarirwa nemutambo

SANGANO reBasketball Union of Zimbabwe rinoti riri mushishi kuronga makwikwi eRonald Garura Invitational Unity Cup ayo achaona zvikwata zvisere zvevarume nemadzimai zvekumapurovhinzi akasiyana zvichitatsurana mumutambo wekurangarira shasha iyi iyo yairairidza mutambo uyu.

Garura akashaika mugore ra2012 uye airemekedzwa zvikuru mumutambo webasketball kubva makore aaitamba kuzosvika pakurairidza zvikwata zvakatsaukana, zvinosanganisira zvenyika.

Achitaura akamirira BUZ, sachigaro weWomen and Youths Chairperson Charmaine Chamboko akati mutambo uyu wakakosha zvikuru sezvo vanenge vachipemberera hupenyu hwaGarura.

Anoti gore rino richange riri rechitatu mutambo uyu uchitambwa saka vanotarisira kuti uchange uchinakidza kukunda ngoma kurira.

Chamboko anoti zvikwata zvichauya kuzokwikwidza ndizvo zviri kutamba basketball yemhando yepamusoro.

“Ronald Garura munhu watairemekedza zvikuru nebasa raaiita mukusimudzira mutambo webasketball saka zvakakosha chaizvo kuti timurangarire uye mutambo uyu uripo pakupemberera hupenyu hwake.

“Isu takatoshevedza zvikwata zvatinoda kuti zvizouya kuzokwikwidza, parizvino takangomirira kunzwa kubva kwavari kuti vanokwinisa kuuya here,” akadaro Chamboko.

Zvakadaro, Chamboko anoti sangano ravo rinoshuvira kuhwinisa zvikwata mukombe pamwe nemari asi havana mari yacho saka vave kungomirira kuona kuti pangaite vakotsveri here vangavatsigire.

“Tichangohwinisa mukombe chete nekuti isu hatina mari yekupa zvikwata zvichahwina, asi tichange tichingoona nekufamba kwenguva kuti hapana here vakotsveri vachadira mari yekutibatsira kuronga mutambo uyu,” akadaro Chamboko.

Zvikwata zvinoti Cameo Man chemuHarare neLakers Women yekuBulawayo ndizvo zvakahwina mukombe uyu gore radarika.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×