Gava rakapinda mumba nepahwindo

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 58 okuberekwa nemuzukuru wake wemakore gumi vanogara papurazi reMarirangwe, kuMarondera, vanonzi vakapunyuka rufu nepaburi retsono apo vakapindirwa mumba negava ndokurumwa.

Vaviri ava vakazonunurwa neveruzhinji rwemunzvimbo iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanoti izvi zvakaitika mangwanani emusi wa11 Gumiguru.

“Tine nyaya yegava rakapindira ambuya nemuzukuru wavo mumba apo rinonzi rakasvetuka nepahwindo raiva rakashama risina masimbi kana magirazi akavhara ndokuvaruma varere. Lucia Maida (58) akarumwa kurudyi neparuoko rweruboshwe apo muzukuru wake akarumwa pagumbo rekuruboshwe,” vanodaro Insp Mwanza.

Mudzimai uyu anonzi aona kuti zvinhu zvakanga zvaipa, akaridza mhere zvikanzwikwa neruzhinji rwakabva rwamhanyirako ndokuvanunura apo vakawana gava iri riri mumba.

“Mumwe wevagari vepapurazi apa ndiye akaita zvivindi ndokujajada kutema gava iri nedemo richibva rafa. Vaviri vaiva varumwa ava vakazoendeswa kuchipatara cheMarondera uko vakasvikorapwa ndokudzokera kumba, “ vanodaro.

Insp Mwanza vanoti nzvimbo iyi haiwanzoonekwa makava uye vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze misha yavo nekuisa magonhi nemahwindo akasimba kuitira kudzivisa zvingada kuvapindira semhuka nemakororo.

Mutauriri webazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoti vane hurombo nezvakaitika izvi ndokukurudzira veruzhinji kuti vakurumidze kuzivisa vebazi ravo nezvenyaya yemhuka dzinofamba munzvimbo dzavo kuti patorwe matanho akakodzera.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×