‘GEMS TAVE KUMBERI’

Chipo Sabeta uyo ange ari kuLIVERPOOL, England naAbel Ndooka ari muHarare
SHASHA yemutambo wenetball inotambira chikwata cheZimbabwe chemaGems — Adelaide Thandeka Muskwe — uyo aive kuLiverpool uko aimirira nyika kumakwishu eVitality Netball World Cup, anoti ave kumberi kwehanzvadzi yake, Admiral, uyo anotambira nhabvu maWarriors.

MaGems akanyora nhoroondo yekuve chikwata chekutanga chenetball chakanokwikwidza kuWorld Cup uye ndokutamba zvinonwisa mvura apo akakunda zvimwe zvikwata zvinosanganisira Sri Lanka, Barbados neNorthern Ireland.

Adelaide naAdmiral mapatya uye vose vakaberekerwa muno ndokuzoenda kunogara kuEngland uko kwavakakurira.

Mukukura kwavo, Adelaide aitamba netball kozoti Admiral ari mutambi wenhabvu. Admiral iye zvino anotambira Leicester City inove chimwe chezvikwata zvikuru zvenhabvu muEngland.

Muchinda uyu haana kuenda kumakwishu eAfrica Cup of Nations kuEgypt asi akambotamba mumakwikwi eCosafa Castle Cup kuSouth Africa nguva yadarika.

Adelaide anotambirawo chikwata cheSeven Stars kuEngland uye anoti ari kunzwa manyuku-nyuku nekuwaniswa kwaakaita mukana wekumirira nyika kumutambo weVitality World Cup.

Adelaide anoti anogara achitsigira hanzvadzi yake kumitambo yake yenhabvu uye akafara zvikuru kuona Admiral achiuyawo kuzomutsigira apo maGems aikweshana neNew Zealand.

Admiral pamwe nevabereki vavo vaive muchaunga nemusi weMuvhuro svondo rapera pamberi vachitsigira Adelaide pamwe nemaGems apo aitamba neNew Zealand mumutambo uyo akakundwa 36-79.

“Hanzvadzi yangu ndiyo ine mukurumbira asi ndinonzwa mufaro chaizvo kumuona achiuya kuzonditsigira mumitambo yangu.

“Ini kubva kare ndogara ndiri kunhandare dzakasiyana ndichimuona achitamba nhabvu saka tinotsigirana tese mitambo yedu uye vabereki vedu havashaikwe kumitambo yedu, saka ndinonzwa kufara ndichiona kuti rutsigiro tinarwo. Isu maGems tave kumberi nekuti takakwanisa kukwikwidza kumakwishu eVitality Netball World Cup,” anodaro Adelaide.

Zvakadai, chikwata chemaGems chakapedza makwishu aya chiri pechisere zvichitevera kukundwa kwachakazoitwa mitambo yacho miviri yekupedzisira apo wekutanga chakakundwa 43-59 neMalawi kozoti 58-47 neUganda.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×