Generator: Varume vaviri vonetsana

MURUME wekuti akashandiswa mahara kugadzira generator rakange rafa nemumwewo murume akazokwidza nyaya iyi kumatare achida mari yake.

Onismo Chipuriro akamhan’arira Chido Musiiwa kuHarare Civil Court achida mari yake iyo asina kupihwa mushure mekunge amushandira.

“Murume uyu akandishandisa kugadzira generator rake asi haana kana sendi raakandipa kusvikira nanhasi. Akandimhanyisa kugadzira tikatenderana kuti achandipa mari yekuongorora kuti rakanga rakafa pai pamwe chete neyekugadzira. Ane $60 yangu yaari kufanira kundipa iyo ava kungotsika-tsika achiti haachadi kundibhadhara,” akadaro Chipuriro.

“Ndakatenderana naye kuti ndikagadzira generator rake achandipa mari iyoyo pandinenge ndangopedza. Pandakarivhura ndakaona richida kugadziriswa sezvo rakanga risina kunyatsosungwa zvakanaka mukati uye pane kamwe kemukati kakanga kakafa.

“Takatenderana kuti iye ndaimubatsira nechinhu chakafa ichi ozondibhadhara. Panguva yandaigadzira mudziyo wake aitondimhanyisa achiti ndiri kumashure kwenguva ini ndikagadzira ndichiti ari kubva andibhadharawo ipapo.”

Akati mhuri yake iri kufa nenzara izvo zvakamumanikidza kuti akwidze nyaya iyi kudare kuti apihwe mari yake.

“Izvozvi bhizimisi rake riri kufamba nekuti ndakamugadzirira mudziyo wake wekushandisa pese pakunenge kusina magetsi asi iye haachadi kundionawo uku mhuri yangu ichifa nenzara. Handingashandiswe nemumwe murume zvakapusa kudaro, ndaandipe mari yangu chete.”

Musiiwa akapikisana nemashoko aChipuriro achiti akanga asina kuita sekutenderana kwavakanga vaita.

“Murume uyu ndakanga ndamuti chingoona chete kuti generator rakafa pai asi usavhura. Zvekuvhura kuti aone zviri mukati zvakanga zvava zvemusoro wake. Inini mari yandiri kuziva yandinofanira kumupa i$10 chete kwete zvemari dzese dzakawanda dzaari kutaura, ava kuda kutopfuma neni.

“Ndakanga ndamuti usavhure zviri mukati nekuti rakanga richangobva kutengwa saka pakanga pachine mukana wekuti ndaigona kudzokera naro kwandakaritenga kuti variongorore uye vachindigadzirira sekutenderana kwatanga taita.

“Zvaari kutaura zvekuti takatenderana kuti aise chinhu chakanga chakafa mukati kunyepa nekuti paakanga achigadzira ndakamusiya aine munini’na wangu sezvo ini ndiine zvimwe zvandaimhanyira.

“Handina $60 yandinomupa nekuti ini generator racho ndakatoritengawo $100 saka zvinenge zvasiyana here nekuti ndingonotenga rimwe idzva? “Ndakasununguka kuuya nevanhu vanondipupurira kuti akaita zvatakanga tisina kutenderana,” akadaro Musiiwa.

Mutongi Tendai Rusinahama akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare apo Musiiwa anofanira kuuya nezvapupu.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×