‘Gerrard ane godo naBalotelli’

EL-Hadji Diouf anoti anofunga kuti Mario Balotelli akakundikana kubudirira kuLiverpool nekuti aimbove kaputeni wechikwata ichi, Steven Gerrard, aigodoka naye.Nguva yaBalotelli – iyo yainge yakaoma zvikuru kuAnfield – yakasvika pakupera apo akazotengwa neNice mwaka uno. Chizvarwa chekuItaly ichi chakatanga zvinodakadza apo chakanwisa kaviri mumutambo wacho wekutanga kuchikwata chemuLigue 1 ichi pachakakunda Marseille 3-2.

Diouf anoti haashamisike kuona Balotelli achitamba nhabvu inonwisa mvura kuchikwata chake chitsva, ndokuti dai Gerrard ange asingapindire munyaya dzevamwe vatambi angadai akabudirira chaizvo kuLiverpool.

“Ndakamuudza kuti usaenda kuLiverpool. Kwanga kusiri kwake uko, nekuti zvinhu zvaisazomufambira zvakanaka nekuda kwaGerrard, uyo asina tarenda rinenge rake uye aizongotaura zvakashata pamusoro pake,” akadaro.

“Gerrard ane godo hombe, murume asingafarire vamwe vatambi vanogona. Mario munhu akanakisa chaizvo waunofanirwa kuterera. Haasi munhu anokonzera mhirizhonga muchikwata.

“Zvinhu zvakawanda zvanyorwa pamusoro pake. Vanhu vanotaura zvakawanda nezvake, asi zvizhinji ndezvenhando.” – Daily Mail Football.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *