Saunders omirira Golovkin

BILLY Joe Saunders anoti akamirira kuuya kwechibvumirano chinotendera kuti azorwa naGrennady Golovkin muboka reworld middleweight.Chizvarwa chekuEngland, Saunders, ane rimwe remabhande eWBO iro risina Golovkin.

Shasha ine mabhande eIBF, WBC, WBA.

Golovkin akakunda Kell Brook svondo radarika uye parizvino aisa maziso ake pakutora mabhande anaSaunders pamwe naDaniel Jacobs.

Saunders akati hurukuro dziri kuitwa kuti mutambo wavo urongwe ndokuti: “Vari kuedza kuronga kuti mutambo uitwe izvezvi. Uye uchaitika.

“Chinyoreso changu chiri muhomwe mangu, ndakamirira kuona kondirakiti, ndosayina kuti nditange kurwa, GGG.

“Ndovimba kuti humwe hurongwa hwaunahwo  (Golovkin) haukanganise chinhu nekuti ndicharwa musi wa29 Gumiguru uye handina basa nazvo ndinogona kurwa newe svondo rinotevera racho.

“Ngatione kuti hatizotsvage zvekunzvenga nazvo kuti mutambo uyu usaitike. Unoda bhande reWBO, ndinaro uye ndakazvipira kuti tiri rwire.

“Maneja wangu paanondifonera achindiudza kuti tave nekondirakiti, uye ndizvo zvatiri kuda, handisi kumbofunga zvezvimwe zvinhu zvakare. Kana mari yacho yakanaka chete, hapana chakashata. Inzwa inini hapana munhu achatiudza vekuita. Iri ibasa rakanaka.”

Anoenderera mberi achiti: “Murume uyu haana kumborasa chinyoreso. Kuve pachokwadi, nhasi ndikanzi ngatirwe mumunda chaimo hazvina basa kwandiri, tinongorwa chero kwaunoda kuti tirwe.” – Sky Sports News.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *