Glen View 6 Primary ishasha paShona

CHIKORO cheGlen View 6 Council Primary School, icho chiri muguta reHarare ishasha mukugona chidzidzo cheShona izvo zvinoratidzwa nekubudirira kunoita vana vepo pabvunzo dzeGrade 7 mumakore adarika.Mukuru wechikoro ichi, Mai Mara Pasi, vanoti vanonzwa manyuku-nyuku nekubudirira kunoita vana vavo pamutauro werurimi rwaamai.“Chekutanga ndinoda kupa kutenda kubepanhau reKwayedza nekuda kwezvinyorwa zvavo zviri muzvikamu zvakasiyana izvo zviri kubatsira mukuvandudza dzidzo yedu, zvikuru mumutauro weShona uyo wakange wave kuyeredzwa nekuda kwekusangana kwemarudzi.

“Kwayedza inoita kuti vadzidzi vazive mazwi ekushandisa ane hudzamu anove anocherechedzwa panomakwa bvunzo dzeGrade 7. Somuenzaniso, vamwe vana vanoshandisa chiZezuru, chiKaranga kana chiManyika mukudura mamwe mazwi zvichimutsa zvirevo zvakasiyana. Asi nekuda kweKwayedza, vana vave kuziva mazwi ekushandisa zvisinei nekusiyana kwemitauro yekwavanobva,” vanodaro Mai Pasi.

Vanoti kuburikidza nebepanhau rine mukurumbira iri, vana vepachikoro chavo vakawanda vakahwinha mibairo mumakwikwi ekunyora nhetembo anorongwa neKwayedza, eDetemba Tinzwe uye vave kunyora nhetembo dzinokodza mwoyo.

“Mugore ra2014, vana vedu vakapasa Shona pabvunzo dzeGrade 7 nechikamu che96% kuchizoti muna 2015 vakaenda pa98%.

“Chikamu cheKwayedza cheDenhe Reruzivo chakakosha zvikuru kuvadzidzi nekuti chinovapa mazano maringe nemanyorerwo ebvunzo. Tinototenga maKwayedza tichipa vana vedu kubvira paEarly Childhood Development (ECD) nekuti pane zvavanotodzidzawo,” vanodaro.

Zvakadaro, Mai Pasi vanoti munyaya dzemitambo, chikoro chavo chiri pamberi panhabvu yevasikana, tennis, volleyball nekumhanya.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×