MBIRI yekuti kuGokwe kune huroyi hunokunda ngoma kurira inonzi haibvi kuvagari veko asi kuti yakaunzwa nevanhu vakabva kunzvimbo dzakasiyana avo vaitizira kudunhu iri vadzingwa kwavaigara.
KuGokwe ndiko kune nzvimbo yeGandavaroyi, uko kwainokandwa varoyi vaibviswa kumativi mana enyika pasichigare.
Mashoko aya anotaurwa naMambo Njelele, VaMisheck Njelele, zvichitevera nyaya dzehuroyi dzakawanda dzinoitika kuGokwe.
“Dunhu redu reGokwe rine mukurumbira wehuroyi kudarika mamwe matunhu munyika muno. Asi vanhu vakauya nehuroyi ava vakadzingwa kumatunhu kwavaigara vachizouya kuno, nekudaro vakaramba vachifambira mberi nehuroyi hwavo. Tine gomba reGandavaroyi iro varoyi vaibviswa kunzvimbo dzakadai sekuBinga kana kwaMutare vaisvikokandwa vari vapenyu vachisiiwa kuti vafiremo, vamwe vachidyiwa nemhuka dzesango. Asi vamwe vaizorarama vobereka mhuri dzavo dzine huroyi hwatekeshera kuno uhu. Saka tose tava kunzi varoyi, asi handizvo,” vanodaro.
Semuenzaniso, hatingati zvizvarwa zvemuno zvose zvakachena asi mukaona vanhu vazhinji vanouya mudare rangu nenyaya dzehuroyi tikabvunza kwavakabva tinonzwa zvakawanda. Tina ambuya vakabvuma kuti vainge vapedza kuuraya vanhu muno vakazotaura kuti vakabva kuSt Alberts, kuMuzarabani. Vaye vekushandisa mushonga wekutorera vanhukadzi 27 mabhurugwa varere husiku vaibvawo kuMberengwa,” vanodaro.
Mambo ava vanoti vari kuedza kupa dzidziso kuruzhinji yekuti kutsvaga mishonga yekuroya handiko kunoita kuti munhu atyiwe nevamwe kana kubudirira asi kuti mishonga iyi inovapandukira mune remangwana.
“Nyaya zhinji dzatinotonga muno ndedze huroyi, vana vachiuya kuzomhan’arira vabereki kuti vavapedza nekuvauraya nekuvapa mamhepo, izvo vabereki ava nedzimwe hama vanobvuma mhosva dzavo tovatsvagira vanhu vanobvisa huroyi hwacho.”
Mudunhu rimwe chete iri ndimo mune nyaya yeimbwa inonzi yakatakurwa negondo masikati machena apo vanhu vainge vakaungana pamusangano, yemukadzi aibatwa neshave uyo aiti akaridza muridzo nyoka dzaiungana, amai vanonzi nevana vavo vanogara nemusoro wegudo, kune kamwana kekumbotakurwa neshiri ndokuendwa nako mudenga kasati kadonhedzwa pasi uye chitunha chemusikana chekumuka chikadya bota nekunwa mvura chisati chafazve.
Dzose nyaya idzi dzinonzi dzine chekuita nemabasa ekuroya.




