‘Gomarara rinoda kukasika kuongororwa

Muchaneta Chimuka
SANGANO reRadiation Protection Authority of Zimbabwe (RPZ) svondo rapera rakabatana nemamwe masangano epasi rose mukucherechedza zuva reWorld Cancer Day nedonzvo rekuti chirwere chegomarara nendufu dzacho zvinge zvichiderera panosvika gore ra2020.

Mhemberero dzeWorld Cancer Day dzinocherechedzwa pasi rose gore negore nomusi wa4 Kukadzi nechinangwa chekukusha mashoko echenjedzo, zvikuru maringe nezvikonzero nedziviriro yechirwere ichi.

Gore rino, mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Tinogona” rine chinangwa chekusimudzira nyaya dzeutano mukurwisa zvirwere zvegomarara.

Chamangwiza weRPZ, VaReward Severa, vanoti dingindira iri rinoratidza kuti chirwere chegomarara chinogona kubata munhu wose, nokudaro zvinoda mushandirapamwe pakuchirwisa.

“Chirwere chegomarara chinobata munhu wose saka zvinoda kubatana kwakasimba kuti chirwiswe,” vanodaro.

VaSevera vanoti ongororo yakaitwa nesangano reCancer Registry in Zimbabwe inoratidza kuti kubvira muna2013, kune nyaya dzinodarika 7 000 dzegomarara itsva, zvisinei nekuti dzimwe nyaya dzerudzi urwu dzinenge dzisina kuburitswa pachena.

Vanoti chirwere chegomarara chinogona kurapika kana vanhu vachinge vakurumidza kuvhenekwa.

“Dambudziko guru riri kusanganikwa naro nevanhu nderekuti zvirwere zvizhinji zvegomarara zviri kunonoka kuvhenekwa nokudaro vanhu vanozoenda kuzvipatara dambudziko iri ratokura zvichizoita kuti kurapwa kwacho kunge kuchitora nguva refu zvakare,” vanodaro.

Zvirwere zvegomarara, vanodaro VaSevera, zvinogona kurapika kuburikidza nekupiswa kwemasero anokonzera gomarara (radiation).

Zuva guru reWorld Cancer Day rakavambwa nesangano reUnion of International Cancer Control nedonzvo rekurwisa gomarara nendufu dzinokonzerwa nechirwere ichi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×