Gorosi rokohwewa kumatunhu akasiyana

Muchaneta Chimuka
VARIMI vegorosi kumatunhu akasiyana enyika vakatotangisa kukohwa zvichitevera kuibva kwarakaita zvisinei kuti vamwe vacho vanoti vakatarisana nedambudziko rekudyirwa chirimwa ichi neshiri. Kwayedza nguva yadarika yakashanyira minda yevamwe varimi vari kuGwebi kudunhu reMashonaland East ndokuona vari mushishi kukohwa.

Mumwe manija werimwe purazi riri kuGwebi, VaAmon Masaletyhulini, vanoti vakarima mahekita 60 egorosi uye vari kutarisira kukohwa matani 420.

“Gorosi ramuri kuona apa ndakaridyara kupera kwemwedzi waKubvumbi. Gorosi rinoda kurimwa zvine hungwaru kuitira kuti murimi arege kurasikirwa. Zvakakosha kuziva mwaka wekutanga kudyara mbesa nekugadzirisa munda kuti ugare wakachena zvikuru pamazuva gumi nemashanu ekutanga emwedzi waChivabvu,” vakadaro.

Vanoti gorosi rinoda kudiridzirwa zvakasimba kuitira kuti midzi yechirimwa ichi inge ichikwanisa kudzika pasi kunotsvaka chikafu zvisina dambudziko.

“Pamunda wedu tinoshandisa nzira yemadiridziro inodaidzwa kuti pivot.
“Tine rombo rakanaka kuti takakomberedzwa nenzizi nemadhamu zvekuti mvura inenge iri sarura ude. Dambudziko riripo bedzi pakurima gorosi ndere kushaikwa kwemari yekutenga zvekushandisa mukurima nekuti chirimwa ichi chine basa guru zvisinei nekuti chine mari yakawanda kumisika,” vakadaro.

Zvakadaro, VaMasaletyhulini vanoti vakatarisana nerimwe dambudziko reshiri dzezvihuta (quella birds) idzo dzinodya gorosi zvikuru panguva yekukohwa zvinova zvinoderedza goho.

“Padambudziko reshiri tinombofirita nemishonga kunzvimbo kwadzinorara dzakadai sekunzizi.
“Magetsi ndiwo mamwe anombova dambudziko asi rwendo rwuno takataura neveZesa Holdings zvakaita kuti vasanyanye kutidzimira magetsi,” vakadaro.
Gorosi kudya kwakakosha kunovaka muviri uye kana richinge ragaiwa rinoshandiswa mukubika chingwa, makeke, bota nezvimwe zvakawanda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *