Ticha Danga
NDINODA kuti ndijekese kuti kana tava kusekondari gore rinouya ChiShona chinenge chodzidzwa neChirungu. Nokudaro tikasangwarira tinoondomoka pabvunzo nekusabata nemazvo naizvozvo tinoda kugara tambopana nzwisa kuitira kuti tisazokahadzike kana kushamisika.
Ndoda kuti timbotarisana neshandurudzo yezviito anonzi muchirungu ma”moods”. Kune shandurudzo yechiito chezita (the infinitive mood). Mhando yemutauro iyi inongotipa zita rechiito chete isingatipe musoro wemutauro. Sekuti kufamba, kuseka, kudzidza (zvine wirirano) kana kuti kusafamba, kusaseka, kusadzidza (zvisina wirirano).
Kune shandurudzowo yekutuma kana kuudza munhu kuita chimwe chinhu. Shandurudzo iyi inonzi “imparative mood”. Unenge uchiudza munhu kuti aite zvauri kuda iwewe. Kana zviine wirirano tinowana mazwi anoti mhanya, bika, cheka narudunura. Kana zvisina wirirano tinoti usamhanya, usabika, usacheka nausarudunura.
Kunowanikwawo shandurudzo yezvinoitika inonzi “indicative mood”. Iyi shandurudzo inogona kuiswa mumipatsa yenguva minomwe. Shandurudzo iyi inogona kukamura ichitarisa zvinoitika nguva dzose.
Kana zviine wirirano tinoti ndinodzidza, tinofara nainonaya. Kana zvisina wirirrano tinoti handidzidzi, hatifari kana kuti hainayi.
Chikamu chepiri ndechiri zviri kuitika iye zvino inova mhando ye”indicative mood” yatinoti kana zviine wirirano tine mazwi anoti ndiri kudya, mvura iri kunaya uye vari kuuya. Kana zvisina wirirano ndipo patinoti handisi kudya, mvura haisi kunaya kana kuti havasi kuuya.
Rimwe bandiko reshandurudzo re”indicative mood” ndere zvinhu zvaitika nhasi kana kuti zvichangobva mukuitika. Kana zviri zvine wirirano tinoti handina kupinda, handina kuzvinzwa kana kuti bhazi harina kuenda.
Chimwe chikamu che”indicative mood” ndeche kutaura zvakaitika nezuro kana kuti kare. Ndipo patinotaura tichiti takarima tsenza, takadya mupunga, zuva rakadoka, ndokunge zviine wirirano. Kana zvichinge zvisina wirirano tinoti hatina kurima tsenza, hatina kudya mupunga uye kuti zuva harina kudoka.
Chimwe chikamu ndeche zvakange zvichiitika. Kana zviine wirirano tinoti ndakange ndichidya, taisakura mubindu, ndainyora bvunzo. Kana zvisisna wirirano toti takange tisingasakure mubindu, ndakange ndisingadyi, ndakange ndisinganyore bvunzo.
Kune chikamu zvakare cheindicative mood chinoburitsa zvaigara zvichiitika. Zvaigara zvichiitika zvine wirirano ndipo tinoti taifamba netsoka, taidzidza kumusha. Kana zvisina wirirano toti hataifamba netsoka kana kuti hataidzidza kumusha.
Bandiko rekupedzesera pashandurudzo ye”indicative mood” ndere zvinhu zvichaitika. Kana zvine wirirano sekuti tinoti vachauya mangwana, vachachata muna Zvita, tichavesa moto. Kana zvisina wirirano toti havachauyi mangwana, havachachati muna Zvita kana kuti hatichavesi moto.
Imwe shandurudzo ndeye zvinoitikirana (the participial mood) uye iyi inotiudza chinhu chinoitika chimwe chichiitika sokuti anofamba achidya kana kuti akamhanya achichema.




