Kingstone Mapupu
VANHU vaidya chikafu pane imwe nzvimbo inotengesa zvokudya mumugwagwa waSeke pakati pemakambani anoti ABC Auctions neCoca Cola muguta reHarare vakaita rurasademo vachitiza apo pakangoerekana pabuda gudo richibva nemudzimba dzemusha weArcadia ndokutanga kukanyaira nemukati mevanhu.
Gudo iri rakazodzingirirwa nevanhu ndokupinda kumakambani ekuGraniteside uko riri kugara mumuti pane imwe kambani.
Nyaya iyi yakaitika nemusi weChitatu chadarika munguva dzamangwanani. Kwayedza yakashanyira nzvimbo iyi svondo rino ndokuona gudo iri riri mumuti wemuPine uri padyo nemukuyu kana kuti muwonde.
Gudo iri rinonzi riri kugara mumuti uyu uri pane imwe kambani panosangana mugwagwa waStevenson naTelford kuGraniteside.
Zvinoreva kuti gudo iri rava kusvitsa svondo richingova mumuti uyu umo rinonzi rinodya makuyu.
VaBrighton Sangandira (41) vanogadzira mawindscreens pane imwe kambani iri munzvimbo iyi vanoti ndivo vakatanga kuona gudo iri.
Vanoti rakatanga kusvika panotengeswa chikafu mumugwagwa waSeke richibva munzvimbo dzekuArcadia richibva razotiza. Rinonzi rakazoenda pane imwe kambani inotengesa mabanana apo rakazobva rava kuenda mumuti mariri kugara.
“Horomba yegudo iyi inonzi yakangoerekana yasvika panzvimbo panobikwa nekutengeswa kudya richibva radzingwa ndokusvetukira mukambani inohodhesa mabanana. Rakadzingwa imomo rikadarika nepadyo pangu richibva ranopinda mukambani umo riri kugara mumuti, ihombe gudo iroro,” vanodaro VaSagandira.
Vanoti gudo iri rava kusvitsa mazuva manomwe richingova mumuti umu zvinova zvinoshamisa kuti rinonwa mvura kupi sezvo richinzi hariburuke.
“Vamwe vari kutaura vanoti rinogona kunge rakauya nemarori anotakura mabanana kubva kumamisha, hamheno,” vanodaro VaSagandira.
“Tinonzwa kuti vashandi veNational Parks and Wildlife Management vakauya pakambani iyi vakarisiya ririmo mumuti umu vachiti raigona kukuvara vakada kuritora zvine chisimba,” vanodaro VaSagandira.
Zvakadai, vashandi vepakambani pari kugara gudo iri vanoti havana zvavanofungira zvakaipa kunze kwekuti rakangorasika kubva kumasango.
VaSimon Machwa (61) vanoti vakaona gudo iri rava kugara mumuti wepakambani yavo.
“Pane fungidziro yekuti gudo iri rakauya riri mumarori anotakura mabanana kubva kuHonde Valley nekumwe kwakasiyana ndokuzokwanisa kuburuka rasvika kuno. Izvo zvekuti rine chekuita nekuroya hapana uyewo tine masango eMukuvisi Woodlands saka rinogona kunge rakapoya kubva ikoko,” vanodaro VaMachwa.
Vanoti gudo iri ihombe zvekuti rinogona kusvika muchiuno mavo pahurefu.
“Riri kugara pano mumuti umu uye rinenge riri kutya kuburuka, rasvitsa zuva rechinomwe nhasi. Riri
kudya makuyu mumuti uri muno zvakare,” vanodaro VaMachwa. Fadzai Tazvitya (30) anova murindi pakambani iyi anoti gudo iri riri kuswera mumuti uyu nekutya vanhu.
“Kune vamwewo vari kuti gudo iri rakatumirwa nemunhu ari kuda chikwereti chake, anongova mashoko evanhu,” anodaro Tazvitya. Zvisinei anoti gudo iri rakamuitira weti apo aida kudongorera kuti arione mumuti umu.
“Randiitira weti gudo iri kumusana ndikatoguma ndatiza panzvimbo yandanga ndiri,” anodaro Tazvitya. Panashe Bizari (25) anoshanda zvakare pakambani iyi anoti inyaya inoshamisa kuti gudo rinoonekwa mukati meguta makadai.
“Handizive zvangu panyaya yegudo iri kuti rine chekuita nehuroyi here kana kuti nderaMwari. Kune vanotiwo rakauya riri murori yemabanana ndokutadza kuburuka mumugwagwa,” vanodaro VaBizari.
Mutauriri webazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority, VaTinashe Farawo, vanoti nyaya yegudo iri yakasvitswa kumahofisi avo uye pane matanho ari kutorwa.
“Vashandi vedu vane danho ravari kutora nekudaro tinoyambira vanhu kuti vasarove gudo iri kana kurishungurudza nekuriuraya inova mhosva huru inovaendesa kujeri,” vanodaro VaFarawo.




