Mudzimai arwisa mbavha 3 dzine pfuti akadzikurira . . . rimwe gororo tasa!

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wepapurazi reHunyani kuMhangura akaita chivindi chinoshamisa zvichitevera kurwisana kwaakaita nemakororo matatu aive pfuti ndokuakurira ayo akange amupindira mumba arere nemurume wake.

Rimwe remakororo aya, Tafadzwa Jenami (27), wepapurazi reMafuta kuRaffingora akafa mushure nekurwiswa nemudzimai uyu.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa1 Chikumi nenguva dza1am pamusha wemhuri yekwaMarimo kuVillage 2 papurazi reHunyani kuMhangura.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti Jenami akasvika pamusha uyu aine vamwe vake vanoti Tapiwa Bepura (33) wekupurazi reChininga kuRaffingora naTanyaradzwa Alufande (45) wepapurazi reYomba kuRaffingora zvekare.

“Varume ava, kusanganisa muchakabvu uyu, vakaenda pamba paMisheck Marimo kuVillage 2 papurazi reHunyani kuMhangura apo vakasvika nenguva dza0100 hours. Vakawana Misheck Marimo nemudzimai wake wemakore 32 vakakotsira muimba yavo yekurara. Vatatu ava vakapwanya dhoo repamba pemhuri iyi vaine pfuti yerudzi rweStylox S12Ga.3 chamber rifle. Pavakapinda mumba umu, mudzimai waMarimo akanga amuka nekuda kweruzha rwedhoo ravaipwany’a,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti mudzimai uyu akaita zvivindi ndokunhamuka achibva pamubhedha achienda kuna Jenami aiva akabata pfuti achida kuzvidzivirira zvose nemurume wake.

“Mudzimai uyu akaramba achirwisana naJenami akamudzipa nechinangwa chekumubvutira pfuti.

Murume waamai ava, Misheck Marimo, akazomuka ndokuwana mudzimai wake achitorwisana kare nemakororo aya. Akaedza kupindira kuti abatsire achibva arohwa negaro repfuti mumusoro akapunzikira pasi ndokufenda ipapo. Mudzimai uyu haana kudzokera kumashure, akaramba achirwisana nemakororo aya achibva akurira Tafadzwa Jenami nekuramba akamudzipa gurokuro nekumuvhara mweya achibva apunzikira pasi ndokufenda zvakare ipapo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vavakidzani vemhuri iyi vakazonzwa ruzha ndokumhanyira kunobatsira apo mamwe makororo maviri akabva atiza achisiya mumwe wavo akafenda.

“Vamwe vanhu vakanga vauya ava, vakazobatsira Tafadzwa Jenami naMisheck Marimo vachibva vafefemuka ndokumuka. Ruzhinji rwemusha uyu rwakazosunga Tafadzwa Jenami makumbo nemaoko, achibva azodura mazita evamwe vaainge auya navo kuti vazoba pamba apa.

“Nenguva dza0500 hours, Tafadzwa Jenami akazokumbira mvura yekunwa iyo akapihwa akanwa achibva angofa mushure mechinguvana,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuMhangura ayo mukuferefeta kwavakaita,
vakazosunga mamwe makororo maviri aya.

“Mutumbi waTafadzwa Jenami wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheChinhoyi uko waiva wakamirira kuongororwa nanachiremba. Misheck Marimo akazoendeswawo kuchipatara cheChinhoyi uko airapwa. Makororo maviri aya anotarisirwawo kupinda mudare redzimhosva nekuda kwenyaya yavari kupomerwa yekuba vakapakata zvombo munguva pfupi iri kutevera. Pfuti yavaishandisa iyi iri kuongororwa zvakare kuti yakabva kupi uyewo nekuti ine matsamba here,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanorumbidza hushingi hwakaitwa nemudzimai waMarimo kusvika pakukurira makororo matatu aya.

“Zvakadai, tinokurudzira veruzhinji kuti vasapinze upenyu hwavo pamurengarenga kana vachinge vasvikirwa nemakororo. Semapurisa, mudunhu redu reMashonaland West tiri kushushikana nekuda kwekuwanda kwekuparwa kwemhosva dzekuba nemakororo aine pfuti nezvimwe zvombo zvakasiyana,” vanodaro.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *