Gumbura oda $300 pamwedzi

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIDZISI akagunun’una mudare achiti mudzimai wake anoda kuti abhadhare mari yemendenenzi asi ari iye anogara nevana apo iye anenge ari kunze kwenyika.

Ruth Gumbura akamhan’arira Patrick Gumbura kuHarare Civil Court achida kuti abhandare mari yekuchengeta vana vavo vatatu.

“Changamire, ndauyawo pano nababa ava kuti vandipe mari yekuchengeta vana vedu vatatu. Mari yandinoda i$300 pamwedzi woga-woga uye anoikwanisa nekuti mudzidzisi anotambira $500 pamwedzi,” anodaro Ruth.

Patrick anoudza dare kuti hazviite kuti abhadhare mari iyi nekuti ndiye anogara nevana apo Ruth anenge ari kunze kwenyika.

“Amai ava vanoda mari yei ivo vasingagare nevana? Vanogara vari kunze kwenyika kunanaMozambique kwaanonogara mwedzi miviri ini ndiine vana kuno. Kana achida mari ndingatomupa $30 chaiyo nekuti hapana basa raanoita pavana. Hongu, ndiri mudzidzisi uye ndinowana $350 pamwedzi,” anodaro.

Ruth anomugamha achiti, “Vanonyepa ava, kuMozambique ndinogara kwevhiki imwe chete uye kuchengeta vana tinochengeta tose.”

Mutongi Larzin Ncube akati Patrick abhadhare $90 pamwedzi yekuchengeta vana vake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×