Gunduru avigwa sembinga

John Nyashanu

Gift Kembo, uyo aizivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Majibha, aive munhuwo zvake.

Kwemakore anodarika makumi maviri airarama nekupemha uye nekushanda mudzimba dzevanhu muBudiriro 5, muHarare achigara pamhene pazvitoro zveko

Hukama uhwu hwakaumbika kwemakore nemakore.

Hepano hurwere hwakazogozha gore rapera, ndipo pakatanga kuita zvinhu manyama amire nerongo.

Svondo rapera, akangoti zeee ndiye dhii, chikava chipatapata vanhu vemunharaunda iyi vachiedza kumubatsira kuti ararame.

Zvaiti auya nemishonga chikafu uye nechino nechocho asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Akazomhanyiswa kuchipatara cheSally Mugabe Central Hospital nemusi weChina svondo rapera uko akazonofira.

Hepano pahurongwa hwekuchema nekuradzika mufi, chakave chisionekwi mudzi webwe.

Kazhinji, vanhu vakadai vanovigwa nerubatsiro rweHurumende vachipihwa inozivikanwa nekuti ‘pauper’s burial’, zvichireva kuvigwa kwemunhu asina hama kana pekutangira.

Izvi ndizvo zvakarambwa nevagari vemuBudiriro.

Pakabva patangwa mudeme mudeme wemari waitungamirirwa naMai Brenda Foya avo vakanhenhaira musha wese vachiunganidza chema.

Mai Miriam Kachayi, avo vane chikoro munzvimbo iyi, vakatenga bhokisi rekuvigisa mufi nechikafu.

Mumiririri weBudiriro mudare reParamende, VaDarlington Chigumbu naKanzura Blessing Duma vakaunzawo mari pamwe nekutsvaga nzvimbo yekuradzika mushakabvu.

Mutsigiri mukuru weZANU- PF munzvimbo iyi, Cde Zivanai Machingauta, vakabatsirawo nemakombi ekutakura vanhu uye nematende sezvo mvura yainaya.

Kozoitawo mumwe mugari weko, Shingirayi Machemedze, akauya nehutepfe-tepfe hwemotokari – Ford Everest- iyo yakatakura mutumbi waMajibha kubva kuSally Mugabe Central Hospital kuunza kuBudiriro, ichizoutakurazve remangwana racho kunomuviga kuGranville Cemetery kana kuti kuMbudzi, muHarare

Vachitaura nemunyori uno, vamwe vagari venzvimbo iyi vanoti vakaona zvisingakodzere kuti Majibha ‘angoraswa’ semunhu adyidzana zvakanaka nevanhu.

“Ndabatikana pasi nekudenga. Mwana uyu ainge munin’ina wangu kwemakore achigarisana zvisina chakaipa nemunhu wese. Ichi ndicho chikonzero chaita kuti tibatane semusha kuti timuvige zvine rutsigo pachivanhu chedu,” anodaro Rudolf ‘Gaudhe’ Marimo.

Crispen Perire, uyo akabatsira mukufambisa magwaro nokutora mutumbi kumochari anotsinhira achiti: “Ndakagara nemujaha uyu kwazvo pasina kutukana kana ruvengo. Ndaimupawo chandaiwana, dzingava mbatya, chikafu kana chii chandaikwanisa.”

Kwemazuva matatu, ngoma dzakadandaurwa pasingadanwe anonzwa pazvitoro zveBudiriro 5, veruzhinji vachichema Majibha.

Zvisinei nekuti mvura yainaya, mhomho yevanhu yakabatana kunoradzika Majibha.

Kuburikidza nechirwirangwe ichi, zvisinei nekuti mushakabvu uyu airarama sagunduru, akavigwa sembinga.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *