Gwala orumbidzwa padambarefu

Abel Ndooka
MUIMBI wemusambo weSungura – Lovemore ‘Mukanya’ Muzondiwa – anoti adzidza zvakawanda kubva kunaFreddie Gwala uyo waakashanda naye pamadambarefu ake maviri anoti Zero to Hero naHazvina kana P.O Box.

Muzondiwa – uyo anogara kuSouth Africa uko anoshanda achiita zvemhanzi – anoti anotenda zvikuru kuwaniswa mukana wekushanda naGwala uyo anove muimbi mukuru kunyika iyi.

Gwala akaita mukurumbira pasi rose nenziyo dzinosanganisira Amadamara, Thula Mama naNgiboshiwe.

Muhurukuro neKwayedza, Muzondiwa anoti kushanda kwaakaita naGwala kwakamuvhurira mikana yakawanda yekusimukira munyaya dzemhanzi.

“Sevaimbi, kushanda nevamwe kwakakosha zvikuru uye kunobatsira chaizvo kuti tisvike kure, kuita humbimbindoga hakubatsire chinhu. Tinofanirwa kubatana toshanda pamwechete kuti tisimukire.

“Mukana wandakawana wekushanda naGwala uyu wakandidzidzisa zvakawanda nekuti uyu muimbi akaita mukurumbira pasi rese uye anonoridza kunyika dzakawanda zvichireva kuti aona zvakawandawo. Saka kubvuma kushanda neni achinditambira nemaoko maviri kunorakidza kuti isu tinofanirwa kuzobatsirawo vamwe vari kusimukira apo vanenge vachitangawo zvemhanzi,” anodaro Muzondiwa.

Muzondiwa akaita mukurumbira nekambo kanonzi Rechu Rechu ako kaive padambarefu rake rekutanga – Bumber to Bumber.

Kunze kwekushanda naGwala, Muzondiwa anoshandawo nevamwe vaimbi vanosanganisira Freddy ‘Kapfupi’ Manjalima naMthulisi ‘Mhlalela’ Moyo uyo ane mukurumbira wekubika madhirama.

“Kuti indasitiri yemhanzi isvike kure, kushanda nevamwe vaimbi ndizvo uye ndiwo musimboti wega unotisimudzira,”  anodaro Muzondiwa.

Related Posts

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Mai Nyamande vodzidzisa vechidiki . . . vakaimba kambo ‘Waita Mari’ naTocky Vibes

Abel Ndooka MUIMBI wechitendero Sidiya Sande, uyo anonyanya kuzivikanwa saMai Nyamande, akabura dambarefu rake rokutanga rinonzi “Waita Mari”, iro rinodzidzisa vanhu kuti vazvininipise. Dambarefu iri rine nziyo dzinosanganisira “Waita Mari”,…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×