Nyama yeguru kudya namambo

ZVIRI MUGAPU
NYAMA yeguru remombe inonaka zvikuru kana ichinge yanyatsobikwa zvakanaka.

Tinowana kudya kunovaka muviri semapuroteni kubva mairi.

Svondo rino James Ncube wekuBulawayo anotsanangudza mamwe makangirwo anoitwa nyama yeguru.

Zvinodiwa:

Chikari, nyama yeguru, hanyanisi, matomatisi, munyu nemafuta.

Mabikiro:

Geza guru kusvikira rachena wozoricheka muzvidimu zvakaringana.

Rigadze pamoto uchiwedzera mvura kusvika ranyatsoibva.

Isa munyu wakaringana. Kana muto wava mushoma chiisa mafuta, hanyanisi nematomatisi.

Siya zvikwate kwemaminitsi gumi kusvika zvaita muto wakakora uye wakatsvukira

Wozodii?

Kana zvaibva bura udye zvichidziya nekuti muto weguru unokasika kugwamba.

Idya nemhando yesadza raunoda kana nemupunga.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 7133 141 281.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *