Handibve kuRoma: Szczesny

MUBATI wepagedhi weArsenal, Wojciech Szczesny (27), anonzi anoda kuramba achitambira Roma mushure mekupedza makore maviri ari kuchikwata ichi nechikwereti.

Szczesny – uyo akatanga kutambira Arsenal mugore ra2010 – akaenda kuRoma mugore ra2015 ndokuzodzokera zvakare mwaka wadarika zvichitevera matambiro anonwisa mvura aainge aita.

Mwaka wadarika, mutambi uyu akatamba mitambo 38 ndokubatsira chikwata ichi kuti chipedze chiri pechipiri muSerie A.

Mutungamiriri wechikwata ichi James Palotta anoti Szczesny – uyo anove chizvarwa chekuPoland – anoda kuramba ari muguta guru reItaly.

“Akandiudza kuti anoda kuramba ari kuno nesu,” akadaro Palotta.

“Ndichitaura zvakawanda, ndakashamisika kuti vamwe vatambi vandaifungira kuti vanoda kuenda vakauya kwandiri tisati tatamba mutambo wedu wekupedzisira vakandiudza kuti vanoda kuramba vainesu.

“Chiratidzo chekuti tine chikwata chakanaka, tiri kungosara pahuwandu chete uye Monchi (director wenhabvu) achatibatsira nezvazvo.”

Zvakadai, Serie A Juventus inonzi iri kuda kutenga Szczesny yomuunza kuTurin zvachose, kunyangwe hazvo ramangwana remutambi uyu richaziviswa neArsenal. – Sportsmail.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×