‘Handichada varume vevanhu . . .’ ◆Small house yobuda majuru

Kingstone Mapupu
“NDIRI kubuda majuru achindiruma. Handina rugare kubva pazvakatanga gore rakapera. Ari kukonzeresa izvi ndinomuziva, mudzimai wekuBeatrice uyo wandakatorera murume wake ndikatiza naye tikanogara kuWaterfalls. Ndiye akandigadzira nekuti akagara azvitaura.”

Bethsider Lewis (24) — uyo ari kugara mumusha weNgoni, kuNorton, asi kumusha achibva kuMhondoro — ndiye ayuwira zvekushaya nechekuita.

Kana kugara zvakadzikama chaiko haachagona uye paaiitwa naye hurukuro, aingoita seanovaviwa achikwenya-kwenya mumakumbo.

Anoti anenge achinzwa kunge ari kunanairwa nezvinhu zvaasingaone.
Zvisinei nekuti iye aiva nemurume wake, Lewis anoti akadanana nemurume weshamwari yake uyo waakazotiza naye vachinogara mumusha weWaterfalls, muHarare.

“Ndanzwa veduwe, ndapfidza! Apa mukadzi uyu ari kuramba kundisunungura. Ndinobvuma kuti ndainge ndatora murume wake asi ndinokumbira ruregerero.

“Handinyare kutaura nyaya yangu nekuti ndapfidza nekurumwa nemajuru nehonye kusikarudzi yangu uyewo kwamera chinyama chinenge chiruva kana kuti muriwo we’cauliflower’, vamwe vanoti isare.

“Zvakatanga ndichangodanana nemurume weshamwari yangu uyo akandiudza kuti achandisota kuti ndisazotora varume vakaroora futi,” anodaro Lewis.

Mukadzi wechidiki uyu anoti aiva nemurume wake uyo waakaroorana naye mugore ra2009 uye vakagara vose kusvika 2019 apo vakazorambana nekuda kwechikomba chazomupinza mutsekwende ichi.

“Ndaigara nemurume wangu zvakanaka papurazi rekwaMula riri kuBeatrice uye ndakaita naye vana vaviri. Tichigara ikoko, ndaiwirirana zvikuru nemumwe mukadzi uyo aingewo akaroorwa nemurume aichengeta musha weimwewo mhuri.

“Ndakazodanana nemurume weshamwari yangu uyu tikapengesana, ukuwo murume wangu ari murima zvake. Nyaya iyi yakazoputika kumba kwangu zvose nekushamwari yangu ndokubva ini nechikomba tatiza ndichisiya murume ichiwo chikomba chichisiyawo mhuri. Takawana imba kuUplands, muWaterfalls.”

Lewis anoti mudzimai wemurume waakatiza naye akamuudza kuti vachapedzerana.
“Rudo rwedu rwapisa nechikomba chinobva kuMasvingo ichi, takafunga kuti tahwanda muWaterfalls. Ini ndakatakura vana vangu vaviri, iye ndokutiza mukadzi nevana vaviri. Shamwari yangu iyi muridzi wemurume akanditaurira kuti achapedzerana neni achiti handichazofa ndakadanana nevarume vevanhu zvakare,” anodaro Lewis.

Anoti vakagara mwedzi mishanu vose apo shamwari yake aimbotevera achiedza kuti adzokerane nemurume wake asi zvichiramba.

“Ndakabata pamuviri pemurume uyu tisati tatiza dzimba dzedu asi pakazobva tava kugara kuWaterfalls. Ipapo ndipo pandakabva ndatanga kunzwa kufambwa kusikarudzi ndichirumwa nezvinhu zvakaita semajuru kana kuti nehonye. Pashure, ndakazomera mazinyama ayo anondivava zvakanyanya.”

Mukadzi uyu — uyo anoti akafirwa nababa uye angosarirwa naamai — anotiwo ava kuramba achitevera izvo zvakonzera kuti agare achipera simba.

“Ndakazobva kumba kwataigara nemurume weshamwari yangu uyu nekuda kwekurwara nekurumwa nemajuru nemakonye. Ndakaenda kumusha kuMhondoro kuna amai asi handina kuvataurira dambudziko rangu,” anodaro Lewis.

Anoti sahwira wake waakatorera murume uyu anogara achimuridzira nhare achiti achatofa chete nekuda kwekumurwadzisa uko akaita nekumutorera murume.

“Murume wangu wandakatiza ndakazomuzivisa kuti zvangu zvakanga zvapera naye iyewo haana kutevera. Pandakabva kuchikomba ichi ndichienda kumusha, sahwira wangu akasara achidzokerana nemurume wake. Zvino nhamo yava yangu.

“Izvozvi ndakashevedzwa naamainini munin’ina waamai kuno kuNorton avo vari kuedza kundirapisa asi hazvisi kubatsira. Ndinongoti ndiye mukadzi bedzi shamwari yangu wandakatorera murume wake akandigadzira nerunyoka, kana kwatinofamba tinozviudzwa,” anodaro.

Lewis anoenderera mberi: “Murume weshamwari yangu uyu akambouya ashevedzwa nanasekuru vangu naamainini nekuda kwekurwara kwangu. Takaenda kune imwe n’anga uko akanzi aite weti yake iyo ndakanzi ndinwe yasanganiswa nemishonga ndikaidhudhudza. Asi handina kurapika, zvakatowedzera.

“Iye murume uyu akaudza hama dzangu kuti akanzi ashinhe neni zvakadaro kuti ndipore asi vanasekuru naamainini vakazviramba.”

Anoti kwese kwavari kufamba — kuchipatara, kumaporofita nekun’anga — hapana chiri kubatsira.
“Mudzimai wemurume uyu ari kugara achifona achiti handisati ndatanga kurwara apo ini ndiri kumukumbira ruregerero nekuda kwezvandakamuitira apo aiva shamwari yangu. Handirare ndichichema nekurwadziwa kana ndave kurumwa nemajuru nemakonye. Ndinotozvinzwa zvichindinanaira.

“Kuchipatara hakuna chirwere chakawanikwa, ndava kutoda vechivanhu vanokwanisa vandibatsirewo,” anodaro Lewis.

Anoti kwavanofamba zvinonzi chikomba chake ndicho chakazorwa mishonga uyo wakazonhanhira kwaari.

“Ndangomirira zvangu kufa, dai mukadzi uyu andiregererawo. Murume wangu chaiye ari kuuya achindiona kureva kuti anoda kuti ndipone,” anodaro.

Lewis anobuda pachena kuti apfidza nyaya dzekudanana nevarume vakaroora.
“Ndadzidza kuti munhu dzikama. Seni ndaiva ndakaroorwa ndikaita ruchiva nemurume weshamwari. Murume wemunhu haabatwe, tsvaga wako. Ndayuwira ini, iyi iyambiro yandinopa kune vamwe vakadzi.”

Lewis anoti ane mukomana waari kudanana naye pari zvino uyo waakashereketa naye asingazive mamiriro aakaita nekurwara uku.

“Semunhu wenyamawo, ndine munhu wandakadanana naye kunokuNorton asingazive zvandiri, ndakamunyepera zvangu,” anodaro.

Mainini vaLewis — Tambudzai Nyatsambo (35) — avo vakanomutora kumusha kuti vamurapise, vanotsinhira dambudziko remwana wake.

“Mari yapera ndichimurapisa zvekuti ndakatotengesa firiji yangu asi hapana chiri kufamba.
“Anoyuwira achirumwa nezvaanoti majuru nehonye asi isu hatizvione. Kana kuita weti chaiko haachagona.

“Ndapererwa nekuti kuchipatara hakuna chiri kuonekwa ukuwo n’anga nekumaporofita kwatipedzera mari,” vanodaro.

Vanoti mukadzi, muridzi wemurume aive chikomba chaLewis, anogara achivafonera achiti anoda kuti mwana wavo uyu afe nerukawo.

“Ndakambomufonera mukadzi uyu ndichida kuti titaurirane timuripe akanditi achapfidza zvake achiti anoda kuti azive kuti murume wemunhu chikwama chemari, hachitambwe nacho. Anoti achanotaurira vamwe chokwadi ava kumakuva.”

Votaura nezviri kuitika kunaLewis, Madzibaba Bond Bornservia Gumira vekuChitungwiza vanoti mudzimai uyu akaiswa runyoka nekudaro anofanirwa kushandirwa nevanhu vanogona.

“Idambudziko rinobatsirika kuburikidza nezita raMwari. Asi, tinotiwo chivi chinodya muridzi wacho, amai ava vanofanirwa kusiya kufeva chinova chivi chakarambwa mubhaibheri,” vanodaro.

Kuchiti Sekuru Elisha Mutanga vemuHarare vanoti, “Akaroyiwa nemishonga saka anoda kurapwawo nemishonga yechivanhu kuti zvipere.”

Vanoda kubatsira Lewis vanomuridzira nhare dzinoti 0776 280 089.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×