‘Handidi kutsvodwa newe’

Courtney Munodawafa

MUMWE mudzimai ari kuchema-chema achiti aimbove murume wake ari kuita chiname naye achimutevera kwose kwaanoenda izvo zviri kumushaisa mufaro.

Mukadzi uyu anoti murume uyu haasi kuda kuregera katsika kake kekuti akamuona, anomumbundira nekumutsvoda zvisinei nekuti havasisiri vose.

Clara Madzamuse akamhan’arira Benny Chembe kudare reHarare Civil Court achiti ari kumutadzisa kufurwa nemhepo.

Madzamuse anoudza mutongi wedare iri, Noah Gwatidzo, kuti, “Murume uyu ndakarambana naye asi tine vana tose. Anonditeverera nekungofona-fona. Akandiona ndiine munhu waasingazive anouya kumba kwangu achindibvunza. Anenge ari kwose kwandaenda, handisisina mufaro.”

Anoti zvakare Chembe anoputsa midziyo yake.

“Anouya kumba kwangu achibhadhara magadhi epagedhi kuti amutendere kupinda. Anomanikidzira kupinda mumba mangu oparadza midziyo yangu. Anonditsimbirira kumadziro achindidzipa. Ndakamumhan’arira kumapurisa asi nyaya yacho haisati yapinda mudare,” anodaro.

Madzamuse anoti Chembe anomutumirawo mashoko panhare achimuti ipfambi.

“Anondituka achinditumira mameseji achinditi ndiri pfambi isingagone kuchengeta vana. Pose paanouya kumba, anondibata-bata achindimbundira nekunditsvoda izvo zvandisingade nekuti hatisisiri tose, ndakamumhan’arira zvakare kumapurisa asi hapana chati chaitwa.

“Handingakwanise kuregera kutaura naye pafoni nekuda kwevana vedu,” anodaro. Anoti anogona kudzingwa paari kugara nekuda kwemhirizhonga inoitwa naChembe.

“Nokuda kwezhowe-zhowe yaanokonzeresa pamba pedu, ndinogona kudzingwa paComplex patiri kugara. Ndakatonyorerwa tsamba ndichinzi ndiri kukanganisa vamwe vagari nenyaya iyi,” anodaro.

Chembe haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake. Mutongi Gwatidzo akapa Madzamuse gwaro rerunyararo.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *