N’anga dzoshanda neEMA

Daphne Machiri

VARAPI vechivanhu vari kukurudzirwa kushanda pamwe chete nesangano rinoona nezvekuchengetedzwa kwezviwanikwa, reEnvironmental Management Agency (EMA), nedonzvo rekuchengetedza masango.

Muhurukuro naEnvironmental Officer weEMA anomirira dunhu reHarare, VaGilbert Mugunzva, vanoti zvakakosha kuti vashande nevarapi vechivanhu mukuchengetedza masango sezvo muri imo munowanikwa miti nemamwe makwenzi zvavanoshandisa mukuita mabasa avo.

“Tinochengetedza masango ane miti zvakaita sekuBotanical Gardens uko kunotova neruzhiwa. Zvakakosha kuti tibatane nevarapi vechivanhu kuti vadyare miti toichengetedza nekuti hazvirevi kuti vanofanirwa kuenda kumasango ari kure bedzi kunotsvaga mishonga,” vanodaro.

Mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZimbabwe National Practioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vakazvipira kushanda neEMA mukuchengetedza masango sezvo muri imo mavanowana makwenzi avoshandisa mubasa ravo.

Vanoti vanachiremba vechivanhu vari kunetseka zvikuru kuti vawane mishonga nekuda kwekuparadzwa kuri kuitwa masango kuburikidza nenzira dzakasiyana.

Sekuru Chisanyu vanoti vamwe vari kubva sekuHarare vachienda kuBinga kana kuDande kunotsvaga mishonga.

“Zvinotora mazuva kuti tiwane mishonga nekuda kwekuti nzvimbo dzatave kuenda dzimwe itsva kwatiri uye zvave kutidhurira,” vanodaro.

Mabuya Shorai Mugondachako vanove murapi wechivanhu uye vachizivikanwa nezita rekuti Mbuya Mukwapura, vanotsinhira kuti vave kuwana mishonga yekurapisa kunzvimbo dziri kure.

“Ini ndave kubva muHarare kuenda kure chaizvo sekuChiredzi, kuBirchenough Bridge nekuChipinge asi kare ndaisiwana makwenzi aya pedyo sekuLake Chivero,” vanodaro Mbuya Mukwapura.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *