Handiende: Tau…‘Vatsigiri venhabvu hamuna chakanaka’

MURAIRIDZI weHarare City, Taurai “Tau” Mangwiro, anoti vatsigiri venhabvu vanhu vanonetsa kufadza sezvo ukagona vanokukandira zviwitsi asi paunotadza chete matombo anobva atanga kunaya.

Mangwiro akataura mashoko aya muhurukuro neKwayedza zvichitevera vamwe vatsigiri vechikwata chake vanoti anofanira kusiya basa apo Harare City yakakundwa neTsholotsho 1-0 nguva yadarika mumutambo weCastle Lager Premiership.

Mangwiro anoti haaswere achiterera zvinotaurwa nevamwe vatsigiri vechikwata ichi nekuti havasirivo vakamupinza basa.

“Zvinoshoresa zvikuru kuona vatsigiri vachiita mhirizhonga vachishevedzera kuti ndidzingwe basa.

“Handiterere ivo nekuti havasivo vakandipinza basa, tine zvinangwa zvedu zvatinoda kuzadzikisa mwaka uno saka tingatoti papfuura mitambo misere chete tatokundikana here? Kwete, handione sekudaro.

“Vamwe vatsigiri venhabvu vanonetsa kufadza sezvo vasinganzwisisike zvavanoda chaizvo. Nhasi vanokukandira zviwitsi kana wagona, mangwana vokukandira matombo kana wakundwa,” anodaro Mangwiro.

Kunyangwe zvazvo vatsigiri vechikwata ichi vaipopota vachiti Mangwiro ngaadzingwe basa, Tau anoti haasi kuzobva pachigaro chinopisa ichi.

“Iye zvino haisi nguva yekutanga kupomerana mhosva, inguva yekubatana uye yekushanda zvakasimba mumitambo yedu nekuti mwaka uchiri mudiki uyu. Tine mitambo yakawanda yekutamba.

“Mwaka uno tinofanirwa kupedza tiri pazvikwata zvitatu zvepamusoro, ndizvo zvirango zvatakatemerwa zvemwaka uno,” anodaro.

Pari zvino maSunshine City Boys, sezita remadunhurirwa reHarare City, atamba mitambo misere zvaona achihwinha miviri ndokukundwa mitatu uye vakaita mangange kaviri.

Mumitambo yawo, Harare City yakakunda Mutare City 4-1 kozoti Hwange 4-1, ikakundwa neTriangle United 1-0, CAPS United 2-1 neTsholotsho 1-0 ikazoita mangange neFC Platinum 0-0 uye neHighlanders 1-1 mumutambo wayo wekupedzisira uyo wakatambirwa Babourfields, kuBulawayo.

Harare City ndicho chimwe chezvikwata chiri kutarisirwa kurwira mukombe wePremier Soccer League gore rino sezvo yakatenga vatambi vakawanda vakaita saRonald Chitiyo, Raphael Manuvire, Edwin Madhananga naBlessing Moyo.

Svondo rino maSunshine City Boys achange ari pamusha apo achasangana neChapungu United uye anofanirwa kuhwina mutambo uyu kuti akwire kuenda pane zvikwata zviri pamusoro zvakaita seFC Platinum iyo iri kutungamira murwendo rwekurwira mukombe wePSL.

Zvakadaro, nzira dzose svondo rino dziri kunanga kunhandare yeNational Sports Stadium uko Dynamos ichatatsurana neHighlanders mumutambo mukuru weZim-Derby.

Bosso gore rino iri kutamba nhabvu inonwisa mvura, kozoti DeMbare ichiri kutatarika kubva payakagadza Paulo Jorge Silva pachigaro chinopisa uyo akazodzinga basa nguva pfupi yadarika.

MITAMBO:

Bulawayo City vs Ngezi Platinum

Harare City vs Chapungu United

Dynamos vs Highlanders Border Strikers vs Tsholotsho

How Mine vs Platinum

ZPC Kariba vs Hwange

Chicken Inn vs CAPS United

Triangle United vs Mutare City

 

Related Posts

Mutyairi asina chitambi, chidhakwa aurayisa shamwari

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo aityaira Honda Fit akadhakwa uye asina rezinesi rekutyaira, izvo zvakakonzeresa tsaona yakauraya shamwari yake, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu azere uye akarambidzwa kutyaira motokari dzemhando yeClass…

Varidzi vemombe dzinongomberereka nemigwagwa hokoyoyi!

Sikhumbuzo Moyo VANHU vanorega zvipfuyo zvavo zvakadai semombe zvichingomberereka nemumigwagwa mikuru yenyika vachasangana nechirango chakakomba chemutemo sezvo mapurisa ari kusimbaradza matanho ekuderedza tsaona dzinokonzerwa nezvipfuyo zvinofamba zvisina kuchengetedzwa. Mukuru wemapurisa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×