Handina kufa ini: Pastor Charamba

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mukurumbira – Pastor Charles Charamba – vari kukatyamadzwa nemashoko emanyepo ari kuti vakashaya mutsaona yemotokari.

Izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera padandemutande reFacebook neWhatsApp achiti Pastor Charamba vakashaya mutsaona yemumugwagwa kunyangwe zvazvo munhu akashaika ari mumwewo anonzi Pastor Liberty Charamba weimwewo kereke.

Muhurukuro neKwayedza neMuvhuro uno, Pastor Charamba vanoti havazive kuti sei vanhu vachitangisa manyepo akadaro.

“Zvakaoma, ndini chaivo vauri kutaura navo wena. Handizive kuti vanhu vanofambisa mashoko iwaya chinangwa chavo chinenge chiri chei chaizvo.

“Asi handizvitevedzeri nekuti ivo ndivo vanoziva zvavanozviitira. Asi chokwadi ndechekuti ndichiri mupenyu uye hakuna zvakamboitika kwandiri. Kutaura kuno ndiri kutogadzirira kuenda kune rimwe basa randinoda kunoshanda,” vanodaro Pastor Charamba.

Kwayedza isati yataura navo, Pastor Charamba vakange vambotumira mashoko paFacebook vachiti vapenyu uye vanoregerera vose vari kufambisa mashoko ekuti vakashaika.

“Makomborero kwatiri tose. Pastor Charamba nemhuri vakachengetedzeka zvakanaka. Nyasha dziri kutichengeta. Tinotenda vose vakatibata vachibvunza vachida kuziva maererano nenhau dzenhando dziri kutenderera. Hatina kumbopinda mutsaona isu. Tinoregerera vakabika nyaya iyi neane izwi raibuda richitaura vachinyepedzera kunge isu,” vanodaro Pastor Charamba pachinyorwa chavo paFacebook.

Pastor Charamba, avo vanotungamira chikwata cheFishers of Men, mumwe wevaimbi venziyo dzechitendero vemuno vane mukurumbira.

Madambarefu avatsikisa kusvika pari zvino anosanganisira Buruka, Mhinduri Iripo, Aba Baba, Regera Kundisiya naNyika yeZimbabwe.

Related Posts

Dzinza rekwaChivero raungana kuita bira

    Kingstone Mapupu APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose…

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×