Kingstone Mapupu
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu.
Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo mutyairi akabirwa motokari yake yorudzi rweHonda Fit mushure mokunge avingwa nemunhu aitaura kuti aida kumuhaya kuenda kwaChiundura-Savannah.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutyairi uyu aiva akamisa motokari yake mukati meguta reKwekwe apo akavingwa nemunhu uyu.
“Ophias Mandava (49), wekuMbizo, kuKwekwe, akavingwa ari muguta reKwekwe nemumwe murume, uyo aiva nevamwe vanhu vaviri, mumwe wacho ari mudzimai, vachiti vaida kumuhaya kuenda kwaChiundura-Savannah, achibva abvuma kuenda navo,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vave kusvika panosangana mugwagwa Kwekwe-Chiundura, wavaifamba nawo, neunoenda kuMlezu, vatatu ava vakatanga kurwisa Mandava, ndokumutorera nhare nemari.
“Makororo matatu aya akabva amumanikidza kuburuka mumotokari iyi, ndokumutorera, achibva amusiya musango, iwo achienda nayo nemutiziro wepamusoro. Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa, motokari ndokuzowanikwa pedyo neguta reGweru,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti vari kukumbira voruzhinji vane ruzivo nezvemakororo aya kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo kuti nhubu idzi dzigone kusungwa, dzigoendeswa kumatare edzimhosva.
“Iyambiro yedu nguva dzose kuti vatyairi vedzimotokari vasatakure vanhu vavasingazivi sezvo paine mikana mikuru yokuti vanotakura matsotsi, voguma vabirwa motokari dzavo nezvimwewo zvakakosha, kana kupondwa chaiko nekubatwa chibharo,” vanodaro Insp Mahoko.




