Kingstone Mapupu
APO nyika ino nevanhu vemarudzi akasiyana-siyana vakapemberera tsika dzavo muchirongwa chinoitwa mumwedzi waChivabvu gore negore, vedzinza rekwaChivero vakazoita izvi mukupera kwesvondo apo vaive nebira remhuri yose kumasango avo anoyera kwaChivero, kuMhondoro.
Mhuri iyi, inova yemutupo weMwendamberi, vechidau cheMhofu, ine vanhu vakapararira nenyika ino, vamwewo vari kunze kwenyika.
Vanhu ava vakaronga kucherechedza tsika dzavo pagungano iri, iro rakaitwa nomusi wa26 kusvika 27 Gunyana, kudongo raZvihwati, kwaGumboreshumba, pedyo nerwizi Mupfure, anova matongo emadzitateguru edzinza iri.
Pabira iri pakaungana vanhu vaidarika zana, vaisanganisira madzimai nevarume uye vasikana nevakomana.
Mutambo uyu wakakotsverwa naVaStuart Ndudzo, vanozivikanwa nokunzi Tateguru Ndudzo, mumwe wevana vedzinza rekwaChivero, vemuimba yaNdudzo.
“Gungano iri takarironga tichitevedza tsika nezviga zvedu sevana vekwaChivero, tichizvidzosera pahuChivero hwedu chaihwo nekuremekedza dzinza redu nekwatinobva, saka mutambo uno kudzokedzana kwemhuri yekwaChivero yemutupo weMwendamberi, veMhofu, sezvo vazhinji takanga tizisazivani. Nhasi uno tine vamwe vabva kuMarondera; kwaChirau, kwaZvimba; kuMuzarabani; kuGuruve; muno maChivero; kunze kwenyika; nekumwe kwakasiyana-siyana,” vanodaro Tateguru Ndudzo.
Vanoti kumakomo kwavakanoitira bira iri ndiko kwakaitwa hondo yeChindunduma, vatema vachirwisa vachena.
“Pazvikomo pano patiri pane ninga dzinoyera, dzine mapfupa emadzitateguiru edu uye murwizi rwaMupfure mune madziva anoyera. Muninga dzedu mune tsvimbo dzemadzitateguru edu. Munzvimbo dzino ndimo makabva madzitateguru edu Chitemamuswe, Ndudzo nevamwe. Gungano rebira rino harina kushorana kana kurwisana kumhuri yekwaChivero; rakamirira kubatanidza mhuri yose, tichicherechedza mambo wedu Chivero nehumwe hutungamiri hwedu hwose. Ini ndakaberekerwa kuGokwe, sekuru vangu vabva kuno kwaChivero, saka tadzoka semhuri kumusha, kumatongo emadzitateguru edu,” vanodaro Tateguru Ndudzo.
Pabira iri pakakurukurwa nyaya dzakasiyana-siyana. Rakapindwawo nevamwe vanopoterwa nemhepo dzakatsaukana-tsaukana, avo vaipa gwara rekutevedza chivanhu chisina kutsveyama, zvikuru maererano netsika dzevanhu vekwaChivero.
Vamwe vakuru vaiva pabira iri vanosanganisira VaLameck Mapfumo Murimachina, VaMudhokwani Chivero naVaMuranganwa Mhosva Zvihwati.
“Chivanhu chedu chakazara chinobva mukutevedza tsika dzemadzinza edu zvizere, nokudaro tava kudzosera chivanhu chedu chevekwaChivero panzvimbo. Ndosaka muri kuona kuti nevana vadiki chaivo, vana vedu nevazukuru, vari pano; kuitira kudzidza, kuti vazosare nenhaka yedu izere,” vanodaro VaMurimachina.
VaMudhokwani Chivero vanoti tsika dzevatema inhaka yemusiiranwa; hadzifanirwi kusiiwa dzichirova.
“Mutambo wanhasi wadyara hwaro hwetsika munharaunda ino yekwaChivero nenyika yose nokuti tine vamwe vauya pano vasiri vekwaChivero. Dzinza rimwe nerimwe rinofanirwa kuitawo zvakadai,” vanodaro VaChivero.
Vakarumbidza zvikuru madzinza achiri kugona kutevedza tsika dzawo. Vakashora vamwe vanotevedza tsika dzokunze.
VaMuranganwa Mhosva Zvihwati vakakurudzira kuti kuungana kwakadai kugare kuchiitwa gore negore.
“Tinovimba kuti kuungana kwakadai kuchagara kuchiitwa gore roga roga muno maChivero, tichisimudzira chivanhu chedu,” vanodaro VaZvihwati.
PIX
Bira Rekudzoka Kumusha
VaLameck Mapfumo Murimachina, VaMudhokwani Chivero, VaMuranganwa Mhosva Zvihwati, Tateguru Ndudzo
— Mifananidzo naKingstone Mapupu.
02-10-26




