‘Handina kukirosa red robot . . .’

‘Ndatambura Negomarara’

MURUME anozivikanwa nekuva mumwe wevanhu vekutanga kubuda pachena panyaya dzekurarama neutachiona hweHIV kubva mugore ra1999 apo aizvishambadza pamusoro pekurwisa rusarura kune vane denda reAIDS ari kutsvaga rubatsiro rwe$10 000 yekunovhiiwa gomarara riri paziso iro ramutambudza.

VaDonance Kangausaru (61) vepanhamba 543 Glen View 1, muHarare, avo vaishambadza paterevhizheni, mumaredhiyo nemapepanhau mashoko anoti, “Handina kuCrosser Red Robot, asi kuti ndiri kurarama neHIV”, vanoti vatambura negomarara repaziso.

“Ndiri munhu wekutanga kubuda pachena maringe neutano hwangu. Ndakamira zvakasimba mukurwisa nyaya dzerusarura nekuti mugore ra1999 pandakaonekwa kuti ndine utachiona hweHIV, vanhu vaisangana nerusarura rwakanyanya.

“Pamwe pacho vamwe vaitoramba kudya kana kurara mukamuri imwe chete nemunhu ane HIV. Asi takaedza kushambadza ruzivo kune veruzhinji, kuti HIV haitapuriranwe kuburikidza nenzira dzose idzi kunze kwekuita bonde risina kudzivirirwa nemunhu ane utachiona uhwu.

“Taishoropodza zvakare mashoko erusarura apo vanhu vanorarama neutachiona hweHIV vainzi, “AkaCrosser Red Robot” nekuti taida kuti vanhu vazive zvikonzero chaizvo zvekupararira kweHIV uye kuti inodzivirirwa sei.”

VaKangausaru vanoti vakambovhiiwa pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals mushure mekuita gomarara remhando yeCaposa paziso.

Vanotizve ziso ravo rakange ratovhara, risisaone mumwedzi waChivabvu gore rino asi pasina nguva vabva kuvhiiwa, vakaona gomarara iri richinyuka zvakare.

“Chiremba akandivhiya akati hazvichaita kuti ndirambe ndichivhiiwa muno nekuti nhando yegomarara iri haiivhiiwe kaviri munyika muno. Saka akati zvave kuda nyanzvi dziri kunyika yeIndia dzinoona nezvemhuno, maziso nepahuro sezvo mitezo iyi ichifambidzana pamashandiro ayo,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Chiremba uyu akati ndikavhiiwa zvakare muno, ndinogona kurasikirwa neupenyu. Ndiri kuchema kuruzhinji rweZimbabwe kuti vandibatsirewo nemari iyi, $10 000, nekuti mazuva andaifanira kuvhiiwa akatodarika apa gomarara iri riri kuramba richikura.

“Ndiri munhu aimbotyaira motokari ndichiitawo mabasa emawoko, asi iko zvino hazvichaita nekuti handichaona zvakanaka,” vanodaro.

 

Vangada kubatsira VaKangausaru vanoisa mari mubhanga reSteward Bank muakaundi nhamba inoti: 1004117782 Joina City Branch kana neEcoCash panhamba dzinoti 0717833787

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *