Tinosvika kure: Shadreck Mlauzi

. . .MaMighty Warriors otarisa semi-fainari yeAfcon

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Shadreck Mlauzi, anoti chikwata chake chiri kurwira kusvika kusemi-fainari yemutambo weAfrican Women Cup of Nations (Afcon) uyo uchatanga kuCameroon nemusi weChishanu svondo rino.Rwendo rwemaMighty Warriors rwekuenda kuCameroon rwange rwakaoma sezvo chikwata ichi change chiri kutatarika zvikuru kuwana mari yekuita gadziriro dzacho.

MaMighty Warriors ari muboka rekutanga Group A umo achasangana neCameroon, Eygpt neSouth Africa.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Mlauzi anoti nguva yekuchema-chema kuti rutsigiro rwemaMighty Warriors rwange rusiri kuuya yakadarika uye chikwata chake chatarisira kunorwira mukombe weAfcon.

“Haticharambe tichitaura nezvekuti rutsigiro rwakanonoka kuuya uye hatisi kutsigirwa zvakanyanya, tave kushanda nezviripo izvozvo.

“Ndinovimba kuti vanhu vose vange vachingoona zvange zvichiitika mugadziriro dzedu.

“Ini hangu ndinoshanda zvakasimba mukurwira nyaya dzevanasikana, kunyanya vemuchikwata chedu chemaMighty Warriors. Tinoshuvira kuti patiri kuenda kuCameroon tinohwina.

“Chikuru chatiri kuda kunopinda musemi-fainari uye kana tasvikamo zvakawanda zvinoitika kumberi tinoziva kuti tinogona kupinda mufainari,” anodaro Mlauzi.

Mlauzi anoenderera mberi achiti kana achitarisa zvimwe zvikwata zviri muboka rimwe chete nemaMighty Warriors, pane musiyano mukuru zvekuti vari kutofanirwa kusunga dzisimbe kuCameroon.

“Tichitarisa nhoworondo yezvimwe zvikwata zvatichasangana nazvo, munotogona kufunga kuti hapana nhabvu yatichatamba asi chokwadi ndechekuti isu tiri kunorwa semvumba tosimudzira mureza wenyika yedu.

“Takaenda kumaOlympics uye tichashandisa zvatakadzidza kumutambo uyu kunohwinha,” anodaro Mlauzi.

Mutambo wemaMighty Warriors wekutanga uchatambwa musi wa19 apo achasangana neBanyana Bafana yekuSouth Africa. Zvikwata zviviri izvi zvakatamba mutambo wehushamwari svondo radarika maMighty Warriors ndokukundwa  3-0.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *