‘Handirambwe zvekumhanya’

Ashley Muchamiri
MUDZIMAI wekuEpworth, muHarare, akaendesa aimbova murume wake kudare redzimhosva achiti haasi kuda kuti amurambe uye nekumudzinga pamba nekuti sitendi yaari kumudzinga ndeyake.

Mervis Chihuri akamhan’arira Hadson Chimwali kuHarare Civil Court achiti anomudzinga pamba pamwe chete nevana uye havana kumwe kwekugara.

“Ndiri kurwadziwa zvikuru kuti handina pekugara nevana vangu. Murume uyu akandidzinga pamba asi sitendi yacho ndeyangu, ndini ndakaitsvaga. Ini handidi zvekurambwa uye kudzingwa pasitendi apa,” Chihuri anoudza mutongi wedare, Noah Gwatidzo

Anoti Chimwali akapaza gonhi remba yaiva nemidziyo yake ndokupisa zvinhu zvose zvaivamo, ndokutanga kugara nemumwe mudzimai nevana.

“Akapaza goni remaigara midziyo yangu mushure mekunge atidzinga pamba achibva apisa zvose zvaivamo achibva atanga kugara nemumwe mukadzi,” anodaro.

Achipawo divi rake, Chimwali anoti haazive munhu anonzi Mervis Chihuri asi Edzai Chihuri, uyo aimbova mudzimai wake uye Edzai ari kushandisa chitupa chemukoma wake uyo akashaya.

“Ishe wangu, ini munhu anonzi Mervis Chihuri handimuzive, asi mukadzi ari apa uyu anonzi Edzai Chihuri uyo ari kushandisa chitupa chasisi vake vakafa kare. Ini handitovazive, asi ndinongoziva kuti vaiva amaiguru vangu,” anodaro.

Anoti akazonetsana naChihuri mushure mekunge aunza mumwe murume pamba ndokutanga kugara naye vasina kutaurirana.

“Mukadzi uyu aiita zvaaida pamba ndikazonetsana naye mushure mekunge aunza mumwe murume pamba pataigara asina kunditaurira.

“Ini handina kumbomudzinga pamba ndega, asi ndakatotanga ndauya kuno kudare ndichida gwaro redziviriro ndikaripihwa ndokuzoenda nemapurisa kumba, ndivo vakandibatsira,” anodaro.

Mutongi Gwatidzo akarasa chikumbiro chaChihuri achiti dare rakange rapa mutongo waro kare pamusoro penyaya iyi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *